Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvikoro zvemuBulawayo Makumi Maviri neZviviri Zvinowaniswa Makombiyuta


Gurukota rezvehumhizha hwekufambiswa kwemashoko VaJenfan Muswere vasvitsa makombiyuta kuzvikoro zvemuBulawayo.
Gurukota rezvehumhizha hwekufambiswa kwemashoko VaJenfan Muswere vasvitsa makombiyuta kuzvikoro zvemuBulawayo.

Gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, kana kuti Information and Communication Technology, Postal and Courier Services, VaJenfan Muswere, vanoti zvakakosha kuti vechidiki vakasike kuwana ruzivo rwehunyanzvi hwechizvino zvino kana kuti Information and Communication Technology, sezvo ruzivo urwu rwuri irwo rwave kunyanya kushandiswa muzvikamu zvehupenyu zvakasiyana-siyana pasi rose.

Vachitaura semunyarikani pachiitiko chekuvhura zviri pamutemo nzvimbo dzekuti vadzidzi vezvikoro zvepasi kana kuti primary vadzidzire kushandiswa kwema computer muBulawayo nhasi, VaMuswere, vati hunyanzvi hwechizvino zvino ndihwo hwave kushandiswa mukuita zvinhu zvakasiyana siyana pasi rose, nekudaro zvakakosha kuti vechidiki vave neruzivo urwu.

"Michina iyi yaunzwa kuti tikwanise kuvaka hwaro hwekuti tive nyika ine ruzivo rwechizvinozvino, izvo zvinove zvinotarisirwa kuti tigokwanisa kuvandudza mamiriro ezvehupfumi munyika yedu yeZimbabwe," VaMuswere vanodaro.

Munyori mukuru mubazi rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, Doctor Beaullah Chirume, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo riri kushanda nemamwe mapazi kusanganisira rezvedzidzo yepasi pamwe nerezvemhando dzemoto kuitira kuti zvikoro zvose munyika zvive nenzvimbo dzekudzidzira kushandiswa kwemakombiyuta, kana kuti ma computer lab.

Vatsinhira kuti zvakakosha kuti vechidiki kunyanya vave neruzivo rwune chekuita nekushandisa ma computer vakati izvi zvinobatsirawo kurerutsa kudzidza kwavo.

Mukuru wePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe, POTRAZ, VaGift Machengete, vaudza Studio 7 kuti boka ravo riri kuita hurongwa hwekuisa ma computer muzvikoro kusanganisira zvekumaruwa, pasi pemari inobva kuhomwe ye Universal Services Fund, yavanowana kubva kumitero inobhadhariswa makambani enharembozha.

Vatsinhirawo kuti vanoshanda nemapazi akasiyana-siyana kuitira kuti kunyange zvikoro zvekumaruwa zviwanewo ma computer aya.

VaMachengete vati gore rakapera POTRAZ yakaisa ma computer muzvikoro zvinopfuura chiuru nezana rimwechete, vachiti pazvikoro izvi, zvizhinji zvacho ndezvekumaruwa.

Zvikoro zvekumaruwa zvakawanda munyika zvinonzi hazvina magetsi uyewo zvimwe zvacho hazvitorina zvivakwa zvakafanira zvekuti vana vadzidzire.

Vachipa maonero avo pamusoro pechirongwa ichi, mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vati chirongwa chakanaka chose asi panofanirwa kuonekwa kuti vadzidzi vekumaruwa havasarire kumashure.

Pane zvikoro makumi maviri nezviviri muBulawayo, zvinosanganisira Queen Elizabeth II Primary School, panove paitirwa chirongwa ichi, zvawaniswa ma computer ekushandisa muma computer lab azvo. PaNketa Library paiswawo computer lab inokwanisa kushandiswa neveruzhinji.

Nyaya ina Kudzanai Musengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG