Accessibility links

Breaking News

Murimi weChidiki Ane Mukurumbira, VaTerry Maphosa, Vanokokwa Kunotaura kuMusangano weWFP kuSouth Africa


Murimi wechidiki, VaTerrence Maphosa.

Chizvarwa cheZimbabwe vari murimi wechidiki, VaTerrence Maphosa, vanoti vanofara chose nekukokwa kwavakaitwa kuti vanotaura kumusangano wesangano rinopa chikafu pasi rose reWorld Food Programme, (WFP), uri kuitwa muJohannesburg, South Africa neMugovera.

Musangano uyu wakanangana nekusimudzira vechidiki vari munyaya dzechikafu.

VaMaphosa ndivo muridzi wenzvimbo yekudyira nekutandarira ichangovhurwa kuMhondoro inonzi KwaTerry, uye murimi wechidiki ane mukurumbira anozivikanwa nekuchengeta huku dzechibhoyi pamwe nembudzi.

Sangano reWFP rinozivikanwa nekubatsira nechikafu pasi rose.
Sangano reWFP rinozivikanwa nekubatsira nechikafu pasi rose.

Sangano rinopa chikafu pasi rose, iri riri kuita musangano wevechidiki wezuva rimwe chete wakanangana nekugadzirisa zvimhingamipinyi munyaya dzekuwanikwa kwechikafu, uye kusimudzira vechidiki muzvirongwa zvinowanisa chikafu nekupedza matambudziko mudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

VaMaphosa vaudza Studio 7 kuti kukokwa kwavo neWFP kunovapa kusimudzirwa kukuru kana vachitarisa kuti munhuwo zvake ari kukokwa achibva kumamisha kwavanogara.

Vanoti vanotarisira kuti vechidiki vakawanda vachadzidzawo kubva kumusangano uyu, uye vachagoverawo kune vamwe zvavachadzidza kumusangano uyu.

Hurukuro naVaTerry Maphosa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG