Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti veMapato ezveMatongerwo eNyika Ngavasarove Vatori veNhau


Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza
Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vari kukurudzira mapato ezvematongerwo enyika kuti asarove vatori venhau vachitiwo vatori venhau vanofanira kufamba nemagwaro avo ebasa panguva dzose.

Izvi zvinotevera kurohwa kemutori wenhau weStudio 7 Godwin Mangudya nevanofungidzirwa kuti vasori nevatsigiri veZanu-PF nemusi weMugovera kuKuwadzana.

Vatsigiri veZanu-PF ava vaiita sarudzo dzeCentral Committee yebato ravo. Mangudya anoti kunyangwe akaratidza mgwaro ake ekuti mutori wenhau, vanhu ava vakamurova ndokumutorera nharembozha yake nezvimwe zvaanoshandisa pabasa.

VaParadza vaudza Studio 7 kuti vange vasina havo ruzivo rwakakwana nezvakaitika asi vati vemapato ezvematongerwo enyika havafanire kurova vatori venhau.

Vatiwo vatori venhau havafanire kuramba vachitora mavhidhiyo nemifananidzo yevanhu vanenge vasingadi.

Asi Mangudya akaudza MISA- Zimbabwe kuti ainge apihwa mvumo yekutora nhau nebato reZanu-PF apo akaenda kumuzinda webato iri nemusi weChishanu nevamwe vataori venhau.

Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vakaudz Studio 7 kuti Mangudya anofanira kunomhan’ara kumapurisa. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG