Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varairidzi Voramwa Mabasa Vana Vachitanga Kunyora Bvunzo dzeGrade 7


Vamwe varairidzi havana kuenda kuzvikoro nhasi vachinyunyuta nemari dzemihoro dzakawedzerwa nehurumende. Asi vakuru mubazi rezvedzidzo vanoti kuratidzira uku hakuna hako kukanganisa kunyorwa kwebvunzo dzeGrade 7.

Varairidzi ava pasi pemubatanidzwa weFederation of Zimbabwe Educators Union FOZEU vati vanoda kuti hurumende igadzirise nyaya yemihoro nechimbi chimbi.

Varairidzi ava vane tsambayenyunyuto yaiswa ruoko nevanosanganisira masangano anoti Educators Union of Zimbabwe (EUZ), Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, Progressive Teachers Union of Zimbabwe pamwe ne Proffessional Educators Union of Zimbabwe

Vachitaura neStudio 7 mutungamiriri weFOZEU variwo zvakare mutungamiriri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vati mari yavari neyekawedzerwa nehurumende inosvika madhora makumi maviri nemashanu mutero wembwa.

VaMasaraure vatiwo ongororo yavaita nhasi inoratidza kuti zvikamu makumi matatu nezvisere kubva muzana zvevarairidzi hazvina kuenda kubasa vachiti vamwe vanga vaenda kumabasa nekuda kwekushaya mari.

Asiwo vachitaura neStudio 7 munyori muZimbabwe National Educators Union VaCharles Chinosengwa vati havo zvakakosha kupawo hurumende nguva yekuti igadzirise zvichemo zvavo.

VaChinosengwa vatiwo ongororo yavaita yaratidza kuti vana vegrade 7 avo vatanga mazamanishoni vakwanisa kunyora.

Vakasanobata chigaro chemunyori anoona nezvedzidzo mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) Amai Evelyn Masaiti vakurudzira hurumende kuti igadzirise gakava riripo pakati pavo nevarairidzi

Zvikoro zvizhinji zvinonzi zvakwanisa kuti vana vemagiredhi 7 vanyore mazamanishoni avo nhasi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvedzidzo yepasi sezvo tatadza kubata mutauriri webazi iri vaTaungana Ndoro.

Asi munyori mukuru mubazi rinoona nezvevashandi VaSimon Masanga vati vanga vasati vatambira tsamba yeFOZEU.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG