Accessibility links

Breaking News

Musangano Wenyika dzeSADC, WeSouthern African Regional Climate Outlook Forum Wotarisira Kuti Mvura Ichanaya Zvakanaka Mwaka Uno.


sadc
sadc

Musangano wenyika dzekuchamhembe kweAfrica, weSouthern African Regional Climate Outlook Forum (SARCOF), uyo wanga uchizeya mamiriro ekunze emwaka wekurima wa 2022 -2023, waburitsa mashoko ekuti anotarisira kuti mvura ichanaya zvakanaka mumwaka uno.

Nyanzvi dzakabva kunyika gumi nenhatu dziri mumubatanidzwa weSADC dzakawirirana kuti izvi zvichakonzerwa nekuda kwedutumupengo riri kutarisirwa rinonzi Cyclone Lanina, iro rinonzi richaunza mafashamu emvura kune dzimwe nyika mudunhu re SADC.

Nyanzvi dzezvekurima munyika dzinoti mvura yakawanda yakanakira varimi chero hayo ichikonzera matambudziko kune dzimwe nzvimbo kana ikawandisa kana kunaya yakapararana.

Makore adarika kwakave nenzara nekuda kwemvura yakawandisa munyika asi mimwe mwaka ichikonzerwa nekushomeka kwemvura.

Murimisi uye vari sachigaro vebhodhi reAgricultural and Rural Development Authority (ARDA), VaIvan Craig, vanoti chero hazvo vanoona nezvemamiriro ekunze vakati mwaka uno unogona kuwana mvura yakanaka, murimi wese anofanira kugara akagadzirira kuti agone kukohwa kana zvikaenda nepamwe nekuti mamiro ekunze ashanduka zvakanyanya kubva kumakore ekumashure.

Hurukuro naVa Ivan Craig
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG