Accessibility links

Breaking News

Varimi Vari Kuramba Kutengesa Chibage Chavo kuG-M-B Nekuda kweMutengo Votengesera Veruzhinji paMugwagwa weHarare Chirundu


Vashandi veGrain Marketing Board vachitora chibage nechisimba kubva kuvarimi vasiri kuendesa chibage chavo kuGMB.
Vashandi veGrain Marketing Board vachitora chibage nechisimba kubva kuvarimi vasiri kuendesa chibage chavo kuGMB.

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vari kuramba kuendesa chibage chavo Grain Marketing Board-GMB-vachiti vari kupihwa mari shoma vave kutengesera vanhuwo zvavo pamugwagwa mukuru unobva kuHarare uchienda kuChirundu.

Kunyange hurumende yakazivisa gore rino kuti chibage chose chinofanirwa kutengeserwa GMB, izvi hazvisi kuitika munzvimbo dzakawanda mudunhu reMashonaland West.

Mumwe mugari wekuNyamakate, VaBrian Maputi, avo vanoti havasi kuendesa chibage chavo kuGMB, vanoti vari kutengesa chibage chinosvika matani matatu pasvondo mumugwagwa mukuru unobva kuHarare uchienda kuChirundu.

VaMaputi vanoti vanotengesa tani imwechete nemadhora ekuAmerica mazana maviri kana kuti US$200.00 pasina mari yavanobhadhara yekutakura chibage.

VaMaputi vanoti musiyano nekuendesa kuGMB ndewekuti kuendesa kuGMB zvinoda mari yekutakurisa uye dzimwe nguva chibage chinonorambwa chichinzi chinyoro zvinoreva kuti vanofanirwa kutsvaga zvakare chekutakurisa kudzokera nacho kumusha.

Vanoti rimwe dambudziko nderekuti GMB inopa varimi mari nenguva yainoda imwe yacho ichiiswa mukadhi mainozonetsa kutora.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi, VaZvikomborero Maketa, avo vanoti kutengesera vanhu mari yavo vanoiwana ipapo kwete zvekumbomirira mari ichazoiswa kubhanga zvinoitwa neGMB.

Imwe shirikadzi, Amai Chenai Zvigadza, vanoti sezvo vasingarime chibage chakawanda vanotengesa masaga avanenge vawana pamugwagwa kuti vawane mari yekutenga sipo, munyu, shuga nezvimwe.

Patabvunza huwandu hwechibage chaendeswa kumadhepoti eGMB kusvika pari zvino zvichienzaniswa negore rapera, mutauriri weGMB VaNixon Kanyemba vati havana huwandu uhwu sezvo vasiri kubasa vachiti vari kuHarare Agricultural Show.

Chibage ichi chinenge chichitengeserwa vanhuwo zvavo vanenge vachifamba nemugwagwa mukuru uyu, uye chinotengeswa kubva pabhagidhi kusvika kutani.

Bhagidhi rinotengeswa nemadhora matatu nechidimu ekuAmerica kana kuti US$3.50

Pasi pemutemo weStatutory Instrument 145 wakadzikwa muna 2019 hapana munhu kana kambani kana sangano vanobvumidzwa kutenga kana kuwana chibage kubva kumurimi kunze kweku Grain Marketing Board. Mutemo uyu unorambidzawo kufambiswa kwechibage chakawanda kubva kune rimwe dunhu kuenda kune rimwe dunhu.

Asi kunyange hazvo paine mutemo unorambidza kufambiswa kwechibage pakati pematunhu pasina tsamba inopa mvumo yekuita izvi, izvi zvinonzi hazvisi kuitika sezvo marhorhi akawanda nemotokari zvichionekwa zvakatakura chibage.

Kutanga kwegore rino hurumende yakasimbisa mutemo wekuti varimi vose vanosungirwa kuendesa kuGMB chibage, gorosi ne soya beans zvavanenge varima mukati memazuva gumi nemana kubva pavanozvikohwa, kukundikana votorerwa matanho.

Mumwedzi yadarika vashandi vehurumende vaitenderera muvarimi vachivatorera chibage chanenge vasina kuendesa kuGMB nechisimba.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG