Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inogona Kurasikirwa neVatambi neMari Yakawanda neKusaita Zvibvumirano neNguva


Chikwata cheDynamos chatarisana nekurasikirwa negurusvusvu revatambi vacho pasina mubhadharo vakasamhanya-mhanya paine nguva kunyorerana navo zvibvumirano.

Vatambi vane chitsama vechikwata ichi kusanganisira Bill Antonio vasarwa nemwedzi mitanhatu chete muchibvumirano chebasa chavanacho nechikwata chine mukurumbira ichi.

Munyori mukuru wechikwata ichi VaWebster Marechera vanoti ichokwadi kuti pane vatambi vavo vane zvibvumirano zveebasa zvirikusvika kumagumo asi vavasina kudoma nemazita.

Asi VaMarechera vanoti vakamirira kunzwa kumurairidzi wavo Tonderai Ndiraya kuti anoda kuzoshandisa vatambi vapi mwaka unotevera ivo vgadzirira zvibvumirano zveebasa navo.

Mashoko atawana anoti zvibvumirano zveebasa zvaEvans Katema, King Nadolo, Frank Makarati, Ralph Kawondera, Emmanuel Jalai, Arnold Mawadza, Keith Murera, Trevor Mavhunga, Albert Eonde nakaputeni wavo Partson Jaure zviri kuperawo pari kupera mitambo yemwaka uno.

Mutauriri weDynamos VaTinashe Farawo vavimbisa kutumira magwaro anoratidza zvibvumirano zvebasa zvavanazvo nevatambi vavo asi havana kuzokwanisa kuita izvi pataenda pamhepo.

Asi pamutemo, vatambi ava vave kutenderwa kuita hurukuro yebasa nezvimwe zvikwata izvo zvinenge zvichifarira matambiro avo.

Mitemo yenhabvu pasi rese inotendera vatambi kutsvaga rimwe basa kana kwasara mwedzi mitanhatu chete kuti chibvumirano chavo chebasa chipere.

Vatambi ava vakawana mabasa chibvumirano neDynamos chapera, kana kuti chisina kuwedzerwa, Dembare hapana chainowana sezvo panenge pasisina mubatanidzwa pamapato maviri aya.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vatambi ava kunzwa kuti vari kurongei nezve ramangwana ravo.

Vamwe vatambi vaviri veDynamos Shadreck Nyahwa naEmmanuel Paga vari kuTanzania uko varikutsvaga basa kuchikwata cheAzam vachipfuurira zvekare kunoedza raki ravo kuPyramids yekuEgypt. Dynamos inoti ine chibvumirano nevaviri ava chinosvika muna 2023.

Maneja waNyahwa, VaGeorge Deda vanoti vari kutsvagira vatambi ava basa kuti vawane raramo nekuti munhabvu yemuZimbabwe hamuna chirimo.

VaDeda vanoti vanomirira vatambi vese vane zvibvumirano nechikwata nevasina vachiwedzera ivo kuti kune avo vane zvibvumirano zvebasa zvikwata zvavo ndizvo zvinezwi guru mumari inotengwa mutambi.

Dynamos neHighlanders dzinowana rutsigiro rwemari kubva kukambani yeshoroma VaKudakwashe Tagwirei. Asi vatambi veDynamos vanogara vachig’nun'una nkusapihwa mari dzemabonasi panopera mitambo vachinzi vanozopihwa gore rapera.

Parizvino, Dynamos iri kurwisa zvakasimba kutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League iri pachidanho chechitatu, poindi imwechete pasi peChicken Inn iyo irikutungamira gungano iri.

Asi Ndiraya arikuchema kuti Nyahwa naPaga vakaenda ikozvino zvinokwanisa kukanganisa hondo yavo yekurwira kutora mukombe wemwaka uno.

Dynamos ine mapoinzi makumi maviri nemana yakaenzana neFC Platinum iyo ine mukombe uri kurwirwa uyu.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG