Panguva iyo mamwe nasangano evarairidzi ari pasi pemubatanidzwa weFederation of Zimbabwe educators Union, FOZEU, ari kuronga kutanga kuramwa mabasa musi weMuvhuro unouya kwesvondo rose, rimwe sangano revarairidzi guru reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, rinoti richatanga rambopa mukana kunhaurirano dziri kuitwa pakati pehurumende nesangano rinomirira vashandi vehurumende re Zimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions (ZCPSTU).
Mutungamiri weZIMTA, VaRichard Gundani, vanoti sangano ravo rinozoona matanho ekutora mushure memusangano uchaitwa zvakare svondo rinouya pakati pemapoka maviri.
NeChishanu sangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions (ZCPSTU) rakazivisa kuti musangano wekuzeya mihoro yevashandi vehurumende wakaitwa pasi peNational Joint Negotiating Council, NJNC, wakatadza kuburitsa chimuko mushure mekunge vamiriri vevashandi varamba zvakanga zvaiswa patafura nevamiriri vehurumende munhaurirano idzi.
Hurumende yakanga yaisa zvikamu zana kubva muzana zvemadhora emunyika kuti ndizvo zvichawedzerwa nazvo vashandi mihoro, asi vashandi vanonzi vakazviramba vachiti vanoda kuti mushandi ari pasi mu Grade B1 atambiriswe US$840.00.
Masangano anomirira vakoti akazivisawo kuti nhengo dzawo dzichapindawo mukuramwa mabasa kutanga muvhuro dzichida kuti mihoro iwedzerwe. Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.
Facebook Forum