Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Chikumi 15, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti munyika maberekera ingwe zvichitevera kusungwa kwevatungamiri varo nekupondwa kweimwe nhengo Muzvare Moreblessing Ali.

Vakoti voronga kuramwa mabasa vachiti vari kutambiriswa mutero wembwa sezvo mari yavo isisina chairi kutenga nekushaya simba kwedhora remunyika.

Mumashoko kuvatori venhau, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagqwa vazivisa kuti mutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga varoora (Rtd) Colonel Miniyothabo Baloyi.

Vabereki voita maonero akasiyana pamusoro pemari dzechikoro dziri kuwedzerwa kuti vabhadhare kana kuti top-up.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naGogo Spiwe Kachidza-Mapfumo zvichitevera hurongwa hwekuparura bhuku ravo revana, "A Trip to Zimbabwe With Gogo", uhwo hwavakaita mukupera kwesvondo kuEdmonton kuCanada.

Muchikamu chedu chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutaura nezvizvarwa izvi nezvemaonero azvinoita mhirizhonga yatanga munyika pamberi pesarudzo dza2023. Nhengo dzebato rinopikisa dzeCitizens Coalition for Change dzirikusungwa mushure mekupondwa kweimwe nhengo yebato iri Muzvare Moreblessing Ali.

Varik unze kwenyika munokwanisawo kutumira mavhidhiyo muchipa pfungwa dzenyu pane zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG