Accessibility links

Breaking News

Maonero eHurumende yeAmerica

Misoro yeNhau, Chipiri, Chikumi 15, 2022

Misoro yeNhau

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti munyika maberekera ingwe zvichitevera kusungwa kwevatungamiri varo nekupondwa kweimwe nhengo Muzvare Moreblessing Ali.

Vakoti voronga kuramwa mabasa vachiti vari kutambiriswa mutero wembwa sezvo mari yavo isisina chairi kutenga nekushaya simba kwedhora remunyika.

Mumashoko kuvatori venhau, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagqwa vazivisa kuti mutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga varoora (Rtd) Colonel Miniyothabo Baloyi.

Vabereki voita maonero akasiyana pamusoro pemari dzechikoro dziri kuwedzerwa kuti vabhadhare kana kuti top-up.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naGogo Spiwe Kachidza-Mapfumo zvichitevera hurongwa hwekuparura bhuku ravo revana, "A Trip to Zimbabwe With Gogo", uhwo hwavakaita mukupera kwesvondo kuEdmonton kuCanada.

Muchikamu chedu chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutaura nezvizvarwa izvi nezvemaonero azvinoita mhirizhonga yatanga munyika pamberi pesarudzo dza2023. Nhengo dzebato rinopikisa dzeCitizens Coalition for Change dzirikusungwa mushure mekupondwa kweimwe nhengo yebato iri Muzvare Moreblessing Ali.

Varik unze kwenyika munokwanisawo kutumira mavhidhiyo muchipa pfungwa dzenyu pane zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

See all News Updates of the Day

Nyaya ina Evans Zininga

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana Kwayo neLibya.

VaRobert Woood

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muLibya nekuda kwekudzimwa dzimwa kwemagetsi, kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika uye mhirizhonga.

Mumwe mukuru muhofisi yemumiriri weAmerica kuUnited Nations kana kuti Alternate Representative for Special Political Affairs VaRobert Wood vanoti vanotambira matanho ave kutorwa neLibya kuyedza kugadzirisa matambudziko aya kuburikidza nenhaurirano dziri kukokerwa neUnited Nations kuEgypt.

VaWood vanoti ino yave nguva yekushanda nemapato ose ezvem,atongerwo enyika kuona kuti nhaurirano dzabudirira kuitira kuti paitwe sarudzo dzakachena munyika iyi.

Vaendererawo mberi vachiti kuunza mapato ose pamwe chete kuti azvipire pachibvumirano chekuti sarudzo dzinonoke kuitwa pachigadziriswa zviri kunetsa. Vanotiwo America ichaenderera mberi ichitsigira nhaurirano idzi nebasa riri kuitwa nekomisheni inonzi High National Elections Commission.

VaWood vanotiwo matanho ari kutorwa kugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika anofanira kuitwa panguva imwe chete nekugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi nekugadzikana kwenyika.

Vatiwo zvakakosha kuti matambudziko akatarisana nebhanga guru renyika kuitira kuti pajekeswe nyaya yemafambisirwo emari dzenyika uye kudzivirira nyaya dzehuwori. Ambassador Wood vati mauto ose ekunze kweLibya kusanganisira vechikwata chekuRussia cheWagner Group vanofanira kubuda munyika iyi.

Asi vatiwo vari kushushikana nehuwandu hwevanhu vari kuda kutiza muLibya vachienda kunopotera kune dzimwe nyika vamwe vachiguma vanyura munyanza yeMediterranean. Vatiwo vari kushushikana zvikuru nevanhu vekunze vari mumajeri emuLibya vari kubatwa senhapwa. VaWoods vati America inokoshesa kodzero dzevabvakure vari muLibya.

Vati vanotsigira mabasa ari kuitwa nekomisheni inoona nezvekodzerp dzevanhu iri kuongorora nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu vakakuridzira Libya kuti ishande nayo zvakanaka.

Vati zvakakosha kuti vanhu vemuLibya vasarudzo hurumende yavanoda vachisimbaradza kuti America ichamira nawo kuona kuti izvi zvazadzikiswa.

Mashoko aya anotaura pamire America pakudyidzana neLibya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko Anotaura Pamire America Pakudengenyeka kweNyika Kwakaitika muTurkey neSyria

Vanhu vanodarika zviuru maku mana nechimwe kana kuti 41, 000 vafa vamwe vanoodarika chiuru zana kana kui 100 000 vakakuvara mukudengenyeka kwenyika kwakaitika muTurkey neSyria.

Kudengenyika uku kwakaitika nemusi weMuvhuro mangwanani zvichireva kutivakawanda vainge vakarara zvakapa kuti vadonherwe nemidhuri. Zvikwata zvinobatsira kununura vanenge vawirwa nenjodzi zviri mubishi kuyedza kubatsira vanhu vakawirwa nemidhuri ava.

Mutungamiri wenyika yeTurkey VaRecep Erdogan vakati midhuri inodarika zviuru makumi matanhatu nemazana mana nemakumi mana nemana kana kuti 6, 444 yainge yawondomoka. Zvikwata zvevanhu vanobatsira kubva kunyika dzinodarika makumi maviri nemana dziri kubatsira kuyedza kununua vanhu nekubatsira vakapona.

Asi kupa rubatsiro kune vanhu vemuSyria kunonzi kuri kunetsa sezvo hurumende yenyika iyi iine mitemo inoita kuti zvinetse kupa vanhu zvekudya. Muganhu mumwe chete unobvumidzwa kupinda chikafu munyika iyi kubva kuTurkey wakambovharwa pakadengenyeka nyika.

Musi wa 9 Kukadzi ndipo pakatozokwanisa United Nations kudarika pabhodha apa kekutanga kubva zvakadengenyeka nyika.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vakatumira mashoko enyaradzo kuvanhu vemuTurkey neSyria vachiti zvakaitika zvinoshamisa uye kurwadza.

Vakati vanhu vemuAmerica nedzimwe nyika vari mukuchema nekushaya kwevanhu vakawanda zvakadai vakati vakarasikirwa nehama vari mundangariro dzavo. VaBlinken vakazivisawo nezvichaitwa neAmerica kubatsira vakawirwa nedambudziko ava.

Vakati kuTurkey vatumira nyanzvi dzinobatsira munguva yematambudziko dzinodarika zana nemakumi mashanu uye zvikopokopo zviri kuenda kunzvimbo dzisisafambike zvakanaka.

MuSyria VaBlinken vanoti vari kushanda nemasangano akazvimirira oga avagara vachishanda nawo akaita sereWhite Helmets.

Vati vatumirawo nyanzvi dzinoona nezvemuchetura unokwanisa kukanganisa hupenyu hwevanhu nekuondomoka kwemidhuri, vakuru vakuru mukubatsira vanenge vawirwa nematambudziko, nyanzvi munyaya dzezvehutano uye michina inodarika zviuru zana nemakumi manomwe kana kuti 170,000 yekubatsira kana kwaita kudengenyeka kwenyika.

VaBlinken vanoti America yakazvipira kuita zvose zvainogona kubatsira vakawirwa nedambudziko rekudengenyeka kwenyika iri

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko Anotaura Pamire America Pamhosva dzeHondo Dziri Kupomerwa Mauto eRussia Ari Kurwisa Ukraine. 

Russia Ukraine War Crimes Bucha

Mauto aRussia ari muguta reKherson kuchamhembe kwe Ukraine anonzi kupara mhosva dzehondo achityora kodzero dzevanhu.

Mumiriri weAmerica kusangano reOrganization for Security and Co-operation Ambassador Michael Carpenter vanoti zviri kuitwa muKherson zvinhu zvinotyisa. Russia inonzi iri kumanikidza vanhu vemudunhu iri kuti vatende kuva pasi pehutongi hwayo nechisimba.

Vamwe vanhu mazana matanhatu vari kuramba kutambira hutongi hweRussia vanonzi vari kuchengetwa vari mudzimba dzakacherwa pasi vachiitwa kafiramberi. Vanhu vari muhusungwa vanosanganisira vatori venhau, vashandi vemukanzuru, vanoshandira masangano akazvimirira oga uye vose vari kupomerwa mhosva dzekuratidzira vachitsigira Ukraine.

Vanhu vemuKherson vanonziwo vanobvunzurudzwa nekushungurudzwa pose pavanenge vachifamba.

Vammwe vanhu vaishndira hurumende yeUkraine vari kusungwawo vachiiswa mumatirongo pachinzi pari kutsvagwa vatengesi vari kudyidzana nehurumende yeUkraine uye kufukura hapwa kuvatori venhau.

Vanhu ava vanonzi vanogara muhusungwa kwemazuva akawanda vamwe vachibvunzurudzwa, kuitwa kafiramberi kana kuurayiwa kana kugariswa muhusungwa kana kumanikidzwa kutama vachiendeswa kune dzimwe nzvimbo.

Russia inonzi iri kuisa vanhu vanoitsigira kuti vatungamire matunhu airi kutora akaita seKherson. Izvi zvakaitikawo muna 2014 na2015 kumatunhu akaita seDonetsk. Russia inonziwo iri kudzima madandemutande akaita seinternet kunzvimbio dzayapamba kuti vanhu vasanzwewo mamwe mashoko asiri anobva kuRussia.

Vanhu havabvumidzwewo kutumirwa mari kubva kunze dzimwe nyika kana nzvimbo.

Muzvikoro, varairidzi vari kumanikidzwa kuti vadzidzise zviri kudiwa neRussia asi vamwe vari kuramba zviri kuisa hupenyu hwavo munjodzi. Vanhu vari kumanikidzwawo kushandisa mari yekuRussia yemaruble uye kunyoresa magwaro emba dzavo nevanhu vakagadzwa neRussia.

VaCarpenter vanoti America iri kutyora zvibvumirano zveUnited Nations Charter uye zveHelsinki Final Act panyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kunyangwe munguva yehondo.

Mumiriri weAmerica uyu anoti ane chivimbo chekuti mutungamiri weRussia VaVladimir Putin nemauto avo vachatongerwa mhosva dzehondo dzavanonzi vari kupara muKherson nemamwe matunhu emuUkraine idzi.

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG