Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Paine Mutauro Pakati peHurumende neVarairidzi


Musikana wechikoro
Musikana wechikoro

Zvikoro zvavhurwa nhasi paine kunetsana pamamiriro akaita zvinhu pakati pehurumende nevarairidzi.

Mutauriri webazi rezvehutano VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka kuzvikoro kuine varairidzi vose.

Vatiwo vakagadzirira kuti chirwere cheCovid-19 chisapararire zvakanyanya muzvikoro.

Asi mutungamiri werimwe sangano reAmalgamated Rural Teachers Union VaObert Masaraure vati varairidzi vari kungoenda kuzvikoro kunonyoresa mazita vogara vasingadzidzise kuti vasadzingwe basa.

Vatiwo varairidzi nevadzidzi vari kunetsekana nezvekufambisa sezvo kambani yemabhazi yeZUPCO iri kukundikana kuita basa.

Mukuru wesangano rinoona nezvebudiriro muzvikoro reNational Association of School Development Committees and Associations, VaBanny Manokore ovati vabereki vanofanira kubhadhara mari dzebudiriro kusimudzira zvikoro.

Vati vanonzwisisa kuti vabereki vakawanda havana mari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG