Accessibility links

Breaking News

CZI Inoti Hupfumi Hwananga kuMawere Asi RBZ Ichiti Kuvhundutsa Vanhu


VaMthuli Ncube, VaGeorge Guvatamanga naDoctor John Mangudya
VaMthuli Ncube, VaGeorge Guvatamanga naDoctor John Mangudya

Sangano remabhizimisi reConfederation of Zimbabwe Industries kana kuti CZI riri kuyambira kuti zvinhu zvasvika pakaipisisa munyaya dzezvehupfumi zvichiokonzerwa nekushaya simba kwedhora remunyika.

Mugwaro resangano iri riri kuzeya mamiririo ekunze, sangano iri rakati vamwe vanhu vave kuita chipatapata kunotora mari dzavo dzekunze dziri mumabhanga.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kana vanhu voita izvi kuratidza kuti havachina chivimbo nemari yenyika uye zvinoratidza kuti hupfumi hwananga kumawere.

CZI inoti musika wakaparurwa nehurumende weReserve Bank Foreign Currency Auction hausi kushanda sezvange zvotarisirwa nekudaro unofanira kumbovharwa kana kuvandudzwa. Asi vachipindura, gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vati CZI iri kuda kungokonzera kusagadzikana munyika vachiti zvavari kuita kuyedza kudzikamisa hupfumi zviri kushanda.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati vave kuziva vari kutengesa mari pamukoto kuti munyika musagadzikane uye vachasungwa.

KuRBZ dhora rekueAmerica riri kutenga mashora zana negumi nemashanu emunyika kana kuti 1:115. Asi pamukoto dhora remuAmerica riri kutenga madhora emunyika mazana matatu negumi zvichikwira kana kuti 1:310.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti chapa kuti hupfumi hutatarike mitemo yehurumende nemashoko ayo ekuti “Nyika inovakwa nevana vayo”, ichiita zvirongwa zvakaita se”command agriculture” nekuvaka migwagwa zvisina kujeka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG