Accessibility links

Breaking News

VaKenyatta Havachauye Kuzovhura ZITF kuBulawayo


Mutungamiri wenyika yeKenya, VaUhuru Kenyatta
Mutungamiri wenyika yeKenya, VaUhuru Kenyatta

Mutungamiri wenyika yeKenya VaUhuru Kenyatta avo vange vakatarisirwa kuti vauye kuzovhura zviri pamutemo musika weZimbabwe International Trade Fair uri kutanga neChipiri opera neMugovera kuBulawayo vanonzi havachakwanise kuuya.

Izvi zvinotevera rufu rwevaive mutungamiri wenyika yavo VaMwai Kibaki nemusi weChishanu.

VaMwai Kibaki
VaMwai Kibaki

VaKenyatta nemudzimai wavo Amai Margaret Kenyatta vari kutarisirwa kutungamira hurongwa hwekuchema VaKibaki kutanga musi weMuvhuro mudare reparamende yenyika iyi mangwanani.

VaKibaki vari kutarisirwa kuvigwa nemusi weMugovera kumusha kwavo kuOthaya, Nyeri County.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati VaMnangagwa vazivisa kuti VaKenyatta havachauye nekuda kwerufu urwu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG