Accessibility links

Breaking News

America Yotarisira Kudyidzana neAlgeria kweMamwe Makore Akawanda


VaAntony Blinken vari kuAlgeria
VaAntony Blinken vari kuAlgeria

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana nenyika yeAlgeria.

Hukama nekudyidzana pakati peAmerica neAlgeria kwakatanga muna 1795 apo VaHassan Bashaw Dey vaitungamiri yainzi Deylick Algiers vakanyorerana chibvumirano cherunyararo nemutungamiri wekutanga weAmerica VaGeorge Washington.

Kubva panguva iyi, Algeria neAmerica dzakaumba zvibvumirano zvekukdyidzana munyaya dzezvehupfumi nemagariro. Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken avo vakashanya kuAlgeria mwedzi wapera vakazeya nenyika iyi kukosha kwakaita nyaya dzekudziviriorwa kwenyika nekudzikama kwezvinhu mudunhu iri kuburikidza nekurwisa vanopfurikidza mwero.

VaBlinken vakarumbidza Algeria nehunyanzvi hwekurwisa vanopfurikidza mwero uye kubatsira vavakidzani vayo nezvekudya nekuunza kudzikama mudunhu reSahel ichiuyawo nemazano anobva muAfrica ekugadzirisa matambudziko anosangana nedzimqwe nyika dzemuAfrica.

Pakusagadzikana kwezvinhu kuLibya, VaBlinken vanoti Algeria izwi rakakosha pakuyedza kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika iyi.

Algeria yakabudawo nezvibvumirano zvakawanda zvekuyedza kupedza kurwisana muMali zvinonzi Algiers Accords zvinova zviri kurumbidzwa neAmerica.

Nyika yeAlgeria iri kurumbidzwawo nekuchengetedzwa zvinhu zvakakosha mutsika dzevanhu kana kuti cultural sites izvo zvave kupambwa nevanopfurikidza mwero kuti vazvitengese vachitenga zvombo zvehondo.

Gore rapera, America yakabatana neAlgeria nedzihurumende nenyanzvi dzekuLibya, Tunisia neEgypt mukutsvaga nzira dzekuona kuti zvinhu zvakakosha munhoroondo netsika dzenyika hadziputswe nekubiwa uye kuti vanenge vaita izvo vasungwe.

VaBlinken vakaudzawo vatungamiri venyika iyi kuti zvakakosha kuti varemekedze zvitendero zvose uye kusambunyikidzawo vanhu sezvo iri kodzero yavo yekutaurawo mamonero avo pazvinhu zvakasiyana siyana.

Makambani akawanda emuAmerica anonziwo ari kubvunza nezvekutanga mabhizimisi muAlgeria uye ari munyika iyi kare ari kuwanisa vanhu mabasa uye kuunza kudyidzana kwemarudzi akasiyana munyika iyi.

Nyika mbiri idzi dzakashandawo dzose kurwisa chirwere cheCovid-19. America yakapawo Algeria nhomba dzinosvika zviuru mazana makumi matanhatu kana kuti 600 000 uye mibhedha makumi matanhatu nemishanu yemuzvipatara yemhando yepamusoro soro. America inoti iri kutarisira kuramba ichidyidzana neAlgeria.

Mashoko anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neAlgeria
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG