Accessibility links

Breaking News

Maonero eHurumende yeAmerica

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana neNATO

G7 summit in Brussels

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo nenyika dziri mugungano reNATO.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden pavakashanya kuEurope svondo rapera vakati mutungamiri weRussia VaVladimir Putin vakanyagira yaona apo vakafunga kuti vakapamba Ukraine zvaizoba kuti mugungano iri muite zinyekenyeke.

VaBiden vanoti NATO haina kubvira yabatana sezvayakaita parizvino. Mutungamiri wenyika yeAmerica akashanya kumuzinda weNATO kuBrussels kunoita musangano nevatungamiri venyika dziri mugungano iri kuzeya ,kurwiswa kweUkraine neRussia.

Mumashoko avakaburitsa vakabatana mushure memusangano uyu, vatungamiri ava vakashora zvikuru zvakaitwa neRussia zvekurwisa Ukraine uye kukonzera kusagadzikana munyika dzepasi rino. Vatungamiri ava vakaudza Kremlin kuti iite nhaurirano nekuchimbidza yekupedza hondo iyi.

NATO yakasimbaradza kuti ichamira neUkraine ichiti inyika yakazvimirira yoga inofanira kuremekedzwa. Vatungamiri ava vakati vachaita mushandira pamwe wekubatsira Ukraine vakavimbisa kuti vachamira nechibvumirano cheNATO cheArticle 5 of the Washington Treaty chekuita chirwirangwe kana imwe nyika iri mugungano iri ikarwiswa.

Vakati kutumirwa kwemauto anodarika zviuru makumi mana kunyika dzemuNATO dziri kumabudazuva dzinoti Bulgaria, Hungary, Romania, neSlovakia munongedzo wekugadzirira kwakasimba kweNATO VaBiden vanoti VaPutin varikusangana nezvavange vasingafungire pakutanga kurwisa kwavakaita Ukraine.

Kubatana uku kwakabudawo pamusangano wenyika nomwe dzakabudirira kana kuti G7 uye pane mumwe musangano neEuropean Council.

G 7 yakatenderana kutemera Russia zvirango zvakaomarara. Pachibvumirano chadzakaita, nyika idzi dzakati dzakazvipira kubatsira Ukraine nenyika dzakaipoteredza nezvekudya nezvimwe zvakakosha.

Mushure mekyita musangano nevatungamiri venyika dziri muEU, VaBiden nemutungamiri wegungano iri VaUrsula von der Leyden vakati vachayedza napose pavanogona kuona kuti havachavimbe zvakanaka nekutenga mafuta ekufambisa dzimotokari kuRussia.

Pavakashanyira vapoteri vari kutiza hondo kuUkraine kuWarsaw, Poland, VaBiden vakati nyika dzepasi rino dzine hutongo hwejekerere dzabatana nekuda kwekurwiswa kweUkraine neRussia izvo vati zvange zvichinetsa kuita kwemakore akawanda.

Vakatiwo nyika dzinofanira kuramba dzakabatana kwenguya yakareba inotevera.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwavo nenyika dziri mugungano reNATO.

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

VaBiden Vanoparura Chirongwa Chemushandira Pamwe, Che‘Americas Partnership For Economic Prosperity’

WASHINGTON D.C. - Pamusangano wenyika dziri munharaunda yeAmerica, we Summit Of The Americas, wakaitwa muguta reAmerica, reLos Angeles, mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakazivisa nezvechirongwa chavo chitsva chemushandira pamwe munyaya dzezvehupfumi hwenyika dzeAmerica, chinonzi “Americas Partnership For Economic Prosperity”.

VaBiden vakati chirongwa ichi chichabetsera munyaya dzezvehupfumi hwenyika dzeAmerica kuti dzibudirire dzichibva zasi zvichikwidza, kwete kubva kumusoro zvichidzika.

VaBiden vakati nyika dzeAmerica dzinofanirwa kumisa kutambudzika kwevarombo kana pakaita matambudziko ivo vanhu vasina mikana yekuzvibatsira kubuda mumatambudziko aya, uye kuti vakwanisevo kugadzirira kurwisana nerimwe dambudziko ringaitika mune ramangwana.

VaBiden vakati nyika dzenharaunda yeAmerica dzinofanirwa kushanda pamwe chete kuti kudyidzana kwadzo kubudise nzira dzekubatsira panenge paita njodzi huru, vachiti mushandirapamwe uyu uchaunza zvitsva nekubatsira hurumende idzi kuti dziitire vanhu vadzo zvakawanda.

VaBiden vakati vanhu kwese kwese vanotarisira hurumende dzavo kuvapa rubatsiro, nekuvagadzirira mabasa anovapa mihoro yakanaka, kuendesa vana vavo kuchikoro, uye kuchengetedza nzvimbo dzavanogara kuti ivo nemhuri dzavo vagare vakafara mudzimba dzavo, umwe neumwe achiziva kuti anekodzero dzake dzinokosheswa.

Kubatsira hurumende nevanhu vari munharaunda yeAmerica iyi, VaBiden vakakurudzira kupindudzwa kwe mitemo yemabhanga anoshanda munharaunda iyi, kana kuti “Inter-American Development Bank Group”, uye kuwedzera mari inokwereteswa vemabhizimisi akazvimirira.

Nyika dzemushandira pamwe uyu dzicharwisanavo nenyaya yezvemamiriro ekunze, VaBiden vachiti kana vakanzwa nyaya yemamiriro ekunze, vanobva vaona mabasa akanaka uye ane mihoro mikuru, ayo achabatsira kuti nyika dzitange kushandisa simba remagetsi anobva kuzuva asingasvibisi nyika.

VaBiden vakati hapana chikonzero chekuti nyika dzekumadokero dzisava dzisina kuchengeteka, dzisabudirira uye kuti dzisava nehutongi hwejekerere.

VaBiden vakati zvose zvinodiwa munyika idzi zviripo, kusanganisa vanhu vanepfungwa dzakadzika uye vanoda kushanda, vachiti nyika dzemunharaunda iyi dzakazvipira kushanda pamwe chete sezvo vari vanhu vamwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dynamos Inogona Kurasikirwa neVatambi neMari Yakawanda neKusaita Zvibvumirano neNguva

Chikwata cheDynamos chatarisana nekurasikirwa negurusvusvu revatambi vacho pasina mubhadharo vakasamhanya-mhanya paine nguva kunyorerana navo zvibvumirano.

Vatambi vane chitsama vechikwata ichi kusanganisira Bill Antonio vasarwa nemwedzi mitanhatu chete muchibvumirano chebasa chavanacho nechikwata chine mukurumbira ichi.

Munyori mukuru wechikwata ichi VaWebster Marechera vanoti ichokwadi kuti pane vatambi vavo vane zvibvumirano zveebasa zvirikusvika kumagumo asi vavasina kudoma nemazita.

Asi VaMarechera vanoti vakamirira kunzwa kumurairidzi wavo Tonderai Ndiraya kuti anoda kuzoshandisa vatambi vapi mwaka unotevera ivo vgadzirira zvibvumirano zveebasa navo.

Mashoko atawana anoti zvibvumirano zveebasa zvaEvans Katema, King Nadolo, Frank Makarati, Ralph Kawondera, Emmanuel Jalai, Arnold Mawadza, Keith Murera, Trevor Mavhunga, Albert Eonde nakaputeni wavo Partson Jaure zviri kuperawo pari kupera mitambo yemwaka uno.

Mutauriri weDynamos VaTinashe Farawo vavimbisa kutumira magwaro anoratidza zvibvumirano zvebasa zvavanazvo nevatambi vavo asi havana kuzokwanisa kuita izvi pataenda pamhepo.

Asi pamutemo, vatambi ava vave kutenderwa kuita hurukuro yebasa nezvimwe zvikwata izvo zvinenge zvichifarira matambiro avo.

Mitemo yenhabvu pasi rese inotendera vatambi kutsvaga rimwe basa kana kwasara mwedzi mitanhatu chete kuti chibvumirano chavo chebasa chipere.

Vatambi ava vakawana mabasa chibvumirano neDynamos chapera, kana kuti chisina kuwedzerwa, Dembare hapana chainowana sezvo panenge pasisina mubatanidzwa pamapato maviri aya.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vatambi ava kunzwa kuti vari kurongei nezve ramangwana ravo.

Vamwe vatambi vaviri veDynamos Shadreck Nyahwa naEmmanuel Paga vari kuTanzania uko varikutsvaga basa kuchikwata cheAzam vachipfuurira zvekare kunoedza raki ravo kuPyramids yekuEgypt. Dynamos inoti ine chibvumirano nevaviri ava chinosvika muna 2023.

Maneja waNyahwa, VaGeorge Deda vanoti vari kutsvagira vatambi ava basa kuti vawane raramo nekuti munhabvu yemuZimbabwe hamuna chirimo.

VaDeda vanoti vanomirira vatambi vese vane zvibvumirano nechikwata nevasina vachiwedzera ivo kuti kune avo vane zvibvumirano zvebasa zvikwata zvavo ndizvo zvinezwi guru mumari inotengwa mutambi.

Dynamos neHighlanders dzinowana rutsigiro rwemari kubva kukambani yeshoroma VaKudakwashe Tagwirei. Asi vatambi veDynamos vanogara vachig’nun'una nkusapihwa mari dzemabonasi panopera mitambo vachinzi vanozopihwa gore rapera.

Parizvino, Dynamos iri kurwisa zvakasimba kutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League iri pachidanho chechitatu, poindi imwechete pasi peChicken Inn iyo irikutungamira gungano iri.

Asi Ndiraya arikuchema kuti Nyahwa naPaga vakaenda ikozvino zvinokwanisa kukanganisa hondo yavo yekurwira kutora mukombe wemwaka uno.

Dynamos ine mapoinzi makumi maviri nemana yakaenzana neFC Platinum iyo ine mukombe uri kurwirwa uyu.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau, Chipiri, Chikumi 15, 2022

Misoro yeNhau

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti munyika maberekera ingwe zvichitevera kusungwa kwevatungamiri varo nekupondwa kweimwe nhengo Muzvare Moreblessing Ali.

Vakoti voronga kuramwa mabasa vachiti vari kutambiriswa mutero wembwa sezvo mari yavo isisina chairi kutenga nekushaya simba kwedhora remunyika.

Mumashoko kuvatori venhau, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagqwa vazivisa kuti mutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga varoora (Rtd) Colonel Miniyothabo Baloyi.

Vabereki voita maonero akasiyana pamusoro pemari dzechikoro dziri kuwedzerwa kuti vabhadhare kana kuti top-up.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naGogo Spiwe Kachidza-Mapfumo zvichitevera hurongwa hwekuparura bhuku ravo revana, "A Trip to Zimbabwe With Gogo", uhwo hwavakaita mukupera kwesvondo kuEdmonton kuCanada.

Muchikamu chedu chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutaura nezvizvarwa izvi nezvemaonero azvinoita mhirizhonga yatanga munyika pamberi pesarudzo dza2023. Nhengo dzebato rinopikisa dzeCitizens Coalition for Change dzirikusungwa mushure mekupondwa kweimwe nhengo yebato iri Muzvare Moreblessing Ali.

Varik unze kwenyika munokwanisawo kutumira mavhidhiyo muchipa pfungwa dzenyu pane zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Vamwe Vagari vekuMola kuMashonaland West Vonyunyuta neKushungurudzwa Kwavanoti Vanoitwa neVashandi Vanochengetedza Mhuka dzeSango

VaTinashe Farawo, mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority,

Vamwe vagari vekuMola mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kufara
nekurohwa kunonzi kuri kuitwa vagari nevanochengetedza mhuka kunyange pasina
mhosva yavapara.

Vagari ava vanoti kurohwa zvakaipisisa kwakaitwa mumwe mugari,
VaStephen Machamacha, nevanochengetedza mhuka, veBumi Anti-poaching Unit,
imwe yenyaya dzakawanda dziri kuitika munzvimbo yavo.

Zvinonzi nhengo dzeBumi Anti-Poaching Unit dzinosanganisira vari
muchiuto, avo vanonzi vanochinjana nguva nenguva.

Mumwe mugari wekuMola, ada kungonzi VaShine, anoti vagary vari kushungurudzwa
nevanochengetedza mhuka avo vavati vakaona munhu musango vanomurova
vachimupomera mhosva yekuvhima mhuka zvisiri pamutemo kunyange asina
chaanenge ayinacho chinoratidza kuti muvhimi.

VaShine vanoti vanochengetedza mhuka ava vakafungidzira kuti munhu avaona ari kuvhima mhuka zvisiri pamutemo vanofanirwa kuenda naye
kumapurisa kwete kumuita kafira mberi.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari VaMike Chandiwana, avo vanoti
vanochengetedza mhuka vari kuisa mutemo mumaoko avo nekurova vanhu
zvisiri pamutemo.

Asi mumwe mugari anoita nezvekuchengetedzwa kwemhuka nemasango, VaObert
Siamilandu, vanoti kunyange vasingawirirane nekurohwa kwevanhu
nevanochengetedza mhuka, vagarii vanofanirwa kutevedzera mutemo
wekusauraya mhuka.

VaSiamilandu vanoti dambudziko rekushungurudzwa nemhuka pamwe
nevanochengetedza mhuka haripere nekuuraya mhuka dzacho idzo vanoti
dzinounza mari munyika nekuda kwevanoshanyira nyika.

Hatina kukwanisa kubata vanochengetedza mhuka munzvimbo yeMola veBumi
Anti-Poaching Unit, asi mutauriri webazi rinochengetedza mhuka pamwechete navo,
reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, ZIMPARKS, VaTinashe
Farawo, vanoti havakurudzire kurohwa kwevanhu asi vanokurudzira kuti vanenge vawanikwa vachivhima zviri kunze kwemutemo vaendeswe
kumapurisa kuti vatongwe nematare.

VaFarawo vanoti asi munhu akawonekwa kuti ari kuvhima zvisiri pamutemo
uye aine pfuti vashandi vavo vanoshandisa pfuti sezvo achikwanisa
kupfura vanhu sezvinomboitika mavanoshandira.

Hatina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemauto VaAlphios Makotore sezvo
vanga vasati vapindura mibvunzo yavakati tivatumire nemusiwe Chitatu.

Asi VaFarawo vanoti mhuka dzakawanda dzinovhimwa zvisiri pamutemo inzou
nezvipembere sezvo vanovhima zvisiri pamutemo vachida nyanga
dzadzo kuti vatengese.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

America Yotarisira Kudyidzana neAlgeria kweMamwe Makore Akawanda

VaAntony Blinken vari kuAlgeria

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana nenyika yeAlgeria.

Hukama nekudyidzana pakati peAmerica neAlgeria kwakatanga muna 1795 apo VaHassan Bashaw Dey vaitungamiri yainzi Deylick Algiers vakanyorerana chibvumirano cherunyararo nemutungamiri wekutanga weAmerica VaGeorge Washington.

Kubva panguva iyi, Algeria neAmerica dzakaumba zvibvumirano zvekukdyidzana munyaya dzezvehupfumi nemagariro. Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken avo vakashanya kuAlgeria mwedzi wapera vakazeya nenyika iyi kukosha kwakaita nyaya dzekudziviriorwa kwenyika nekudzikama kwezvinhu mudunhu iri kuburikidza nekurwisa vanopfurikidza mwero.

VaBlinken vakarumbidza Algeria nehunyanzvi hwekurwisa vanopfurikidza mwero uye kubatsira vavakidzani vayo nezvekudya nekuunza kudzikama mudunhu reSahel ichiuyawo nemazano anobva muAfrica ekugadzirisa matambudziko anosangana nedzimqwe nyika dzemuAfrica.

Pakusagadzikana kwezvinhu kuLibya, VaBlinken vanoti Algeria izwi rakakosha pakuyedza kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika iyi.

Algeria yakabudawo nezvibvumirano zvakawanda zvekuyedza kupedza kurwisana muMali zvinonzi Algiers Accords zvinova zviri kurumbidzwa neAmerica.

Nyika yeAlgeria iri kurumbidzwawo nekuchengetedzwa zvinhu zvakakosha mutsika dzevanhu kana kuti cultural sites izvo zvave kupambwa nevanopfurikidza mwero kuti vazvitengese vachitenga zvombo zvehondo.

Gore rapera, America yakabatana neAlgeria nedzihurumende nenyanzvi dzekuLibya, Tunisia neEgypt mukutsvaga nzira dzekuona kuti zvinhu zvakakosha munhoroondo netsika dzenyika hadziputswe nekubiwa uye kuti vanenge vaita izvo vasungwe.

VaBlinken vakaudzawo vatungamiri venyika iyi kuti zvakakosha kuti varemekedze zvitendero zvose uye kusambunyikidzawo vanhu sezvo iri kodzero yavo yekutaurawo mamonero avo pazvinhu zvakasiyana siyana.

Makambani akawanda emuAmerica anonziwo ari kubvunza nezvekutanga mabhizimisi muAlgeria uye ari munyika iyi kare ari kuwanisa vanhu mabasa uye kuunza kudyidzana kwemarudzi akasiyana munyika iyi.

Nyika mbiri idzi dzakashandawo dzose kurwisa chirwere cheCovid-19. America yakapawo Algeria nhomba dzinosvika zviuru mazana makumi matanhatu kana kuti 600 000 uye mibhedha makumi matanhatu nemishanu yemuzvipatara yemhando yepamusoro soro. America inoti iri kutarisira kuramba ichidyidzana neAlgeria.

Mashoko anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neAlgeria
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG