Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mudzimai Oparura Bato Idzva reZveMatongerwo eNyika


Mutungamiri webato reUnited Zimbabwe Alliance Amai Elisabeth Valerio
Mutungamiri webato reUnited Zimbabwe Alliance Amai Elisabeth Valerio

Mumwe muzvinabhizimusi wekuHwange, Amai Elisabeth Valerio, nhasi vaparura bato ravo rezvematongerwo enyika muHarare vachikurudzira nyika dzekunze kuti dzione kuti sarudzo dzegore rinouya dzaitwa zviri pachena.

Vachitaura pavaparura bato ravo nhasi ravari kudaidza kuti United Zimbabwe Alliance, Amai Valerio, avo vane kambani inoita nezvemhuka kuHwange, vati hwaro hwesarudzo hunofanira kuvandudzwa sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa kuitira kuti sarudzo idzi dzigoitwa mune zvakanaka. Vatiwo nyika dzekunze dzinofanira kupindira munyaya dzesarudzo idzi kuitira kuti sarudzo dzigoitwa zviri pachena vachiti vane tarisiro yekukunda musarudzo dzegore rinouya.

Vaendererera mberi vachitiwo bato ravo riri kushanda zvakasimba munzvimbo ina dzariri kukwikwidza musarudzo dzema by-election kutsvaga nhengo dzeparamende vachiti vari kutarisira kukunda munzvimbo idzi. Bato iri riri kukwikwidza munzvimbo dzinoti Kuwadzana East, Harare East, Mbizo pamwe neKwekwe Central.

VaValerio, avo vanoti aka ndekekutanga kupinda munezvematongerwo enyika, vavimbisa kuti vana vese vedzidzo yepasi kana kuti parimary vachange vachidzidza mahara kana bato ravo rikakunda musarudzo degore rinouya.

Vati donzvo rebato ravo nderekuvaka nyika yavanoti yawondongwa nehurumende yeZanu PF vakati havasi kuzomirira kutanga vapinda muhutongi kuti vaite izvi. Vati panopera gore rino vachange vavhura makambani makumi matatu zvichaita kuti veruzhinji, zvikurusei vechidiki nemadzimai, vawane mabasa.

Amai Valerio vati kana bato ravo rikapinda panyanga richaita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutizira kune dzimwe nyika kunotsvaga mafuro manyoro zvidzoke sezvo vachiti munyika muchange mave nehuchi nemukaka vagadzirisa hupfumi hwenyika.

Amai Zvanyadza Mutsigwa vanogara mumusha weDzivarasekwa muno muHarare vati vafara nemashoko aturwa naAmai Valerio pakuparura kwavaita bato ravo reUnited Zimbabwe Alliance kana kuti UZA.

Nyanzvi munyaya dzezvemtongerwo, VaRashweat Mukundu, vati hapana chakaipa kuti mapato ezvematongerwo enyika awande munyika vachiti ndizvo zvinoratidza kuti nyika yakasununguka.

Asi VaMukundu vati kunyukanyuka kunoita mapato ezvematongerwo enyika kana patarisanwa nesarudzo zvinopa mukana wekuti mapato anopikisa apatsanure mavhoti.

Zimbabwe yakatarisana nesarudzo dzemutungamiri wenyika, paramende pamwe nemakanzuru gore rinouya uye Amai Valerio, avo vati vachatora vanhu vese vachishanda navo zvisinei nekuti vanga vari kumapato api, vati pachaitwa sarudzo idzi vachange vaita gadziriro dzakakwana vachiti bato ravo richakwikwidza zvigaro zvose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG