Accessibility links

Breaking News

Maonero eHurumende yeAmerica

Mumwe Mudzimai Oparura Bato Idzva reZveMatongerwo eNyika

Mutungamiri webato reUnited Zimbabwe Alliance Amai Elisabeth Valerio

Mumwe muzvinabhizimusi wekuHwange, Amai Elisabeth Valerio, nhasi vaparura bato ravo rezvematongerwo enyika muHarare vachikurudzira nyika dzekunze kuti dzione kuti sarudzo dzegore rinouya dzaitwa zviri pachena.

Vachitaura pavaparura bato ravo nhasi ravari kudaidza kuti United Zimbabwe Alliance, Amai Valerio, avo vane kambani inoita nezvemhuka kuHwange, vati hwaro hwesarudzo hunofanira kuvandudzwa sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa kuitira kuti sarudzo idzi dzigoitwa mune zvakanaka. Vatiwo nyika dzekunze dzinofanira kupindira munyaya dzesarudzo idzi kuitira kuti sarudzo dzigoitwa zviri pachena vachiti vane tarisiro yekukunda musarudzo dzegore rinouya.

Vaendererera mberi vachitiwo bato ravo riri kushanda zvakasimba munzvimbo ina dzariri kukwikwidza musarudzo dzema by-election kutsvaga nhengo dzeparamende vachiti vari kutarisira kukunda munzvimbo idzi. Bato iri riri kukwikwidza munzvimbo dzinoti Kuwadzana East, Harare East, Mbizo pamwe neKwekwe Central.

VaValerio, avo vanoti aka ndekekutanga kupinda munezvematongerwo enyika, vavimbisa kuti vana vese vedzidzo yepasi kana kuti parimary vachange vachidzidza mahara kana bato ravo rikakunda musarudzo degore rinouya.

Vati donzvo rebato ravo nderekuvaka nyika yavanoti yawondongwa nehurumende yeZanu PF vakati havasi kuzomirira kutanga vapinda muhutongi kuti vaite izvi. Vati panopera gore rino vachange vavhura makambani makumi matatu zvichaita kuti veruzhinji, zvikurusei vechidiki nemadzimai, vawane mabasa.

Amai Valerio vati kana bato ravo rikapinda panyanga richaita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutizira kune dzimwe nyika kunotsvaga mafuro manyoro zvidzoke sezvo vachiti munyika muchange mave nehuchi nemukaka vagadzirisa hupfumi hwenyika.

Amai Zvanyadza Mutsigwa vanogara mumusha weDzivarasekwa muno muHarare vati vafara nemashoko aturwa naAmai Valerio pakuparura kwavaita bato ravo reUnited Zimbabwe Alliance kana kuti UZA.

Nyanzvi munyaya dzezvemtongerwo, VaRashweat Mukundu, vati hapana chakaipa kuti mapato ezvematongerwo enyika awande munyika vachiti ndizvo zvinoratidza kuti nyika yakasununguka.

Asi VaMukundu vati kunyukanyuka kunoita mapato ezvematongerwo enyika kana patarisanwa nesarudzo zvinopa mukana wekuti mapato anopikisa apatsanure mavhoti.

Zimbabwe yakatarisana nesarudzo dzemutungamiri wenyika, paramende pamwe nemakanzuru gore rinouya uye Amai Valerio, avo vati vachatora vanhu vese vachishanda navo zvisinei nekuti vanga vari kumapato api, vati pachaitwa sarudzo idzi vachange vaita gadziriro dzakakwana vachiti bato ravo richakwikwidza zvigaro zvose.

See all News Updates of the Day

Nyaya ina Evans Zininga

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana Kwayo neLibya.

VaRobert Woood

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muLibya nekuda kwekudzimwa dzimwa kwemagetsi, kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika uye mhirizhonga.

Mumwe mukuru muhofisi yemumiriri weAmerica kuUnited Nations kana kuti Alternate Representative for Special Political Affairs VaRobert Wood vanoti vanotambira matanho ave kutorwa neLibya kuyedza kugadzirisa matambudziko aya kuburikidza nenhaurirano dziri kukokerwa neUnited Nations kuEgypt.

VaWood vanoti ino yave nguva yekushanda nemapato ose ezvem,atongerwo enyika kuona kuti nhaurirano dzabudirira kuitira kuti paitwe sarudzo dzakachena munyika iyi.

Vaendererawo mberi vachiti kuunza mapato ose pamwe chete kuti azvipire pachibvumirano chekuti sarudzo dzinonoke kuitwa pachigadziriswa zviri kunetsa. Vanotiwo America ichaenderera mberi ichitsigira nhaurirano idzi nebasa riri kuitwa nekomisheni inonzi High National Elections Commission.

VaWood vanotiwo matanho ari kutorwa kugadzirisa nyaya dzezvematongerwo enyika anofanira kuitwa panguva imwe chete nekugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi nekugadzikana kwenyika.

Vatiwo zvakakosha kuti matambudziko akatarisana nebhanga guru renyika kuitira kuti pajekeswe nyaya yemafambisirwo emari dzenyika uye kudzivirira nyaya dzehuwori. Ambassador Wood vati mauto ose ekunze kweLibya kusanganisira vechikwata chekuRussia cheWagner Group vanofanira kubuda munyika iyi.

Asi vatiwo vari kushushikana nehuwandu hwevanhu vari kuda kutiza muLibya vachienda kunopotera kune dzimwe nyika vamwe vachiguma vanyura munyanza yeMediterranean. Vatiwo vari kushushikana zvikuru nevanhu vekunze vari mumajeri emuLibya vari kubatwa senhapwa. VaWoods vati America inokoshesa kodzero dzevabvakure vari muLibya.

Vati vanotsigira mabasa ari kuitwa nekomisheni inoona nezvekodzerp dzevanhu iri kuongorora nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu vakakuridzira Libya kuti ishande nayo zvakanaka.

Vati zvakakosha kuti vanhu vemuLibya vasarudzo hurumende yavanoda vachisimbaradza kuti America ichamira nawo kuona kuti izvi zvazadzikiswa.

Mashoko aya anotaura pamire America pakudyidzana neLibya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko Anotaura Pamire America Pakudengenyeka kweNyika Kwakaitika muTurkey neSyria

Vanhu vanodarika zviuru maku mana nechimwe kana kuti 41, 000 vafa vamwe vanoodarika chiuru zana kana kui 100 000 vakakuvara mukudengenyeka kwenyika kwakaitika muTurkey neSyria.

Kudengenyika uku kwakaitika nemusi weMuvhuro mangwanani zvichireva kutivakawanda vainge vakarara zvakapa kuti vadonherwe nemidhuri. Zvikwata zvinobatsira kununura vanenge vawirwa nenjodzi zviri mubishi kuyedza kubatsira vanhu vakawirwa nemidhuri ava.

Mutungamiri wenyika yeTurkey VaRecep Erdogan vakati midhuri inodarika zviuru makumi matanhatu nemazana mana nemakumi mana nemana kana kuti 6, 444 yainge yawondomoka. Zvikwata zvevanhu vanobatsira kubva kunyika dzinodarika makumi maviri nemana dziri kubatsira kuyedza kununua vanhu nekubatsira vakapona.

Asi kupa rubatsiro kune vanhu vemuSyria kunonzi kuri kunetsa sezvo hurumende yenyika iyi iine mitemo inoita kuti zvinetse kupa vanhu zvekudya. Muganhu mumwe chete unobvumidzwa kupinda chikafu munyika iyi kubva kuTurkey wakambovharwa pakadengenyeka nyika.

Musi wa 9 Kukadzi ndipo pakatozokwanisa United Nations kudarika pabhodha apa kekutanga kubva zvakadengenyeka nyika.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vakatumira mashoko enyaradzo kuvanhu vemuTurkey neSyria vachiti zvakaitika zvinoshamisa uye kurwadza.

Vakati vanhu vemuAmerica nedzimwe nyika vari mukuchema nekushaya kwevanhu vakawanda zvakadai vakati vakarasikirwa nehama vari mundangariro dzavo. VaBlinken vakazivisawo nezvichaitwa neAmerica kubatsira vakawirwa nedambudziko ava.

Vakati kuTurkey vatumira nyanzvi dzinobatsira munguva yematambudziko dzinodarika zana nemakumi mashanu uye zvikopokopo zviri kuenda kunzvimbo dzisisafambike zvakanaka.

MuSyria VaBlinken vanoti vari kushanda nemasangano akazvimirira oga avagara vachishanda nawo akaita sereWhite Helmets.

Vati vatumirawo nyanzvi dzinoona nezvemuchetura unokwanisa kukanganisa hupenyu hwevanhu nekuondomoka kwemidhuri, vakuru vakuru mukubatsira vanenge vawirwa nematambudziko, nyanzvi munyaya dzezvehutano uye michina inodarika zviuru zana nemakumi manomwe kana kuti 170,000 yekubatsira kana kwaita kudengenyeka kwenyika.

VaBlinken vanoti America yakazvipira kuita zvose zvainogona kubatsira vakawirwa nedambudziko rekudengenyeka kwenyika iri

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko Anotaura Pamire America Pamhosva dzeHondo Dziri Kupomerwa Mauto eRussia Ari Kurwisa Ukraine. 

Russia Ukraine War Crimes Bucha

Mauto aRussia ari muguta reKherson kuchamhembe kwe Ukraine anonzi kupara mhosva dzehondo achityora kodzero dzevanhu.

Mumiriri weAmerica kusangano reOrganization for Security and Co-operation Ambassador Michael Carpenter vanoti zviri kuitwa muKherson zvinhu zvinotyisa. Russia inonzi iri kumanikidza vanhu vemudunhu iri kuti vatende kuva pasi pehutongi hwayo nechisimba.

Vamwe vanhu mazana matanhatu vari kuramba kutambira hutongi hweRussia vanonzi vari kuchengetwa vari mudzimba dzakacherwa pasi vachiitwa kafiramberi. Vanhu vari muhusungwa vanosanganisira vatori venhau, vashandi vemukanzuru, vanoshandira masangano akazvimirira oga uye vose vari kupomerwa mhosva dzekuratidzira vachitsigira Ukraine.

Vanhu vemuKherson vanonziwo vanobvunzurudzwa nekushungurudzwa pose pavanenge vachifamba.

Vammwe vanhu vaishndira hurumende yeUkraine vari kusungwawo vachiiswa mumatirongo pachinzi pari kutsvagwa vatengesi vari kudyidzana nehurumende yeUkraine uye kufukura hapwa kuvatori venhau.

Vanhu ava vanonzi vanogara muhusungwa kwemazuva akawanda vamwe vachibvunzurudzwa, kuitwa kafiramberi kana kuurayiwa kana kugariswa muhusungwa kana kumanikidzwa kutama vachiendeswa kune dzimwe nzvimbo.

Russia inonzi iri kuisa vanhu vanoitsigira kuti vatungamire matunhu airi kutora akaita seKherson. Izvi zvakaitikawo muna 2014 na2015 kumatunhu akaita seDonetsk. Russia inonziwo iri kudzima madandemutande akaita seinternet kunzvimbio dzayapamba kuti vanhu vasanzwewo mamwe mashoko asiri anobva kuRussia.

Vanhu havabvumidzwewo kutumirwa mari kubva kunze dzimwe nyika kana nzvimbo.

Muzvikoro, varairidzi vari kumanikidzwa kuti vadzidzise zviri kudiwa neRussia asi vamwe vari kuramba zviri kuisa hupenyu hwavo munjodzi. Vanhu vari kumanikidzwawo kushandisa mari yekuRussia yemaruble uye kunyoresa magwaro emba dzavo nevanhu vakagadzwa neRussia.

VaCarpenter vanoti America iri kutyora zvibvumirano zveUnited Nations Charter uye zveHelsinki Final Act panyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kunyangwe munguva yehondo.

Mumiriri weAmerica uyu anoti ane chivimbo chekuti mutungamiri weRussia VaVladimir Putin nemauto avo vachatongerwa mhosva dzehondo dzavanonzi vari kupara muKherson nemamwe matunhu emuUkraine idzi.

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG