Accessibility links

Breaking News

Hondo kuUkraine, Kusanaya Zvakanaka KweMvura, Zvopa Kuti Zimbabwe Ipinde Mukanwa Mamupere


mamwe madzimai achitenga hupfu kwaMutoko
mamwe madzimai achitenga hupfu kwaMutoko

Veruzhinji munyika vari kuchema chema nekukwira kwemitengo yezvinhu panguva iyo dzimwe nyanzvi dziri kuti izvi zviri kuwedzerwa nekurwiswa kwenyika yeUkraine neRussia.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune veruzhinji munyika sezvo mitemo yezvinhu iri kuramba ichikwira ukuwo kunzvimbo dzakawanda vanhu vasina kana chokunonga muminda nekuda kwekuti mvura iri kurambira mudenga.

Mitengo yezvinhu yanyanya kukwira kubva zvakatanga kudhura mafuta ekufambisa dzimotokari uyewo kushomeka zvakanyanya kwotarisirwa kuita gorosi, mafuta ekubikisa nezvimwe zvichikonzerwa nekurwiswa kweUkraine neRussia iyo yatemerwawo zvirango zvakaomarara zvokonzera kusagadzikana pasi rose.

Mitengo yehupfu, shuga nezvimwe zvakawanda yakawedzerwa uye ZESA iri kurongawo kuwedzera magetsi ichiti vanhu vari kubhadhara mari shoma zvotarisirwa kuwedzerazve dambudziko remitengo yezvinhu. Mumwe mugari wemuHarare Amai Rita Chikoto vanoti kukwira kwechingwa kwavashaisa mufaro.

Izvi zvatsinhirwawo naVaNoah Katenhe avo vati panguva iyo mitengo yezvinhu iri kukwira mari dzemihoro dzisiriri kukwira.

Sachigaro wesangano reGrain Millers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Musarara vanoti hondo yekuUkraine yave kupa kuti vawedzerewo mitengo yechingwa nezvimwe.

VaMusarara vatiwo dzimwe nyika dzinorima gorosi dzinogonawo kutadza kutengesa gorosi nekuda kwehondo iyi vachiti izvi zvinogona kukanganisa kuwanikwa kwegorosi munyika iro rinoshandiswa mukubika chingwa nezvimwewo.

VaMusarara vanoti vatotangawo nhaurirano nehurumende yekuti nyika yeZimbabwe ikwanise kugara yatenga gorosi rinodiwa pamwe nekuona kuti nyika yasimudzirawo kurimwa kwegorosi.

Nyanzvi munezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara vatsinhirawo vachiti pese panongokanganiswa mafambiro ezvinhu zvichizova zvishoma pane zvinodiwa zvinokonzeresa kukwira kwemitengo.

VaChitambara vatiwo hondo iyi ikaramba ichienderera mberi, icharamba ichikanganisa mitengo yezvinhu zvakawanda munyika vakapa muenzaniso wekukwira kwemafuta ekufambisa dzimotokari munyika.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vatiwo kumiswa kwekufamba kwengarava dzinofanirwa kuuya negorosi zvave kutokonzeresa kukwira kwemitengo yechingwa nezvimwe zvinoshandisa gorosi

Munyori muZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vanotiwo vanoshungurudzika zvakanyanya nekukwira kwemitengo panguva iyo mari dziri kutambiriswa vashandi dzisiri kuchinja.

VaMoyo vatiwo kunyangwe hazvo hondo yekuUkraine neRussia yakonzeresa kukwira kwemitengo yezvinhu munyika vatiwo mitengo munyika yanga yagara iri kukwira hondo iyi isati yatanga.

Kusanaya zvakanaka kwemvura, kushaya simba kwedhora remunyika, chirwere cheCovid-19 uye kusagadzikana kwezvinhu pasi rose nekuda kwekurwiswa kweUkraine neRussia kunonzi kuchapa kuti vakawanda munyika nepasi rose vanonge svosve nemuromo.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG