Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau wekuAmerica Ourayiwa MuUkraine neMauto eRussia


 Brent Renaud mutori wenhau akaurayiwa kuUkraine nemauto eRussia
Brent Renaud mutori wenhau akaurayiwa kuUkraine nemauto eRussia

Mumwe mutori wenhau wemuAmerica akawana mibayiro yakawanda mubasa rake Brent Renaud akaurayiwa muUkraine nezuro uye vamwe vatori venhau vakakuvara.

Mapurisa emuUkraine anoti vatori venhau ava vakapfurwa nemauto eRussia munzvimbo inonzi Irpin pedyo neguta guru renyika iyi reKyiv.

Renaud ange ave nemakore makumi mashanu ainge achigadzira firimu rezvevapoteri.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, United Nations nevamwe vatori venhau vatumira mashoko enyaradzo.

Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaNed Price vati uyu ,umwe muenzaniso wekuti Russia inongouraya chero munhu.

Sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reCommitee to Protect Journalists rinoti zvakaitwa neRussia kutyora mutemo wekuchengetedzwa kwevatori venhau pasi rose. Renaud akashandira masangano enhau akaita seHBO, The New York Times, VICE ne PBS.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG