WASHINGTON —
Komiti yepamusoro inoona nezvekufambiswa kwemabasa mu MDC, Standing Committee, iyo inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, inonzi yakarambawo nyaya yekuti VaTsvangirai vasiye basa sekurudziro yemutevedzeri wemubati wehomwe webato iri, VaEton Mangoma.
Musangano wekomiti uiyi wakaitwa neChishanu.
VaMangoma vakanyora tsamba kuna VaTsvangirai vachivakurudzira kuti vasiye basa nekuti painge poda hutungamiri hutsva hunokwanisa kuvandudza mashandiro ebato.
VaMangoma vanoti ichokwadi kuti vakanyora tsamba kuna VaTsvangirai mbune asi hayaifanira kubuda mumapepanhau.
Mashoko aVaMangoma anoteverawo mashoko akambotaurwa nemubati wehomwe mubato iri, VaRoy Bennett, uye vaimbova mumiriri webato iri kuMarondera Central, VaIan Kay, avo vakakurudzira kuti VaTsvangirai vasiye basa.
Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo haridzivise vanhu kutaura nezvehutungamiri asi izvi zvinofanirwa kunge zvichiitwa mumusangano.
Kubva zvakundwa MDC-T musarudzo dzegore rapera, mubato iri hamuna kuzobva maita kugadzikana sezvo pari kunakuriranwa nyoka mhenyu pakuti ndiyani akakonzera kuti bato iri rikundwe musarudzo.
Vamwe vari kuti VaTsvangirai ndivo vakapa kuti bato rikundwe musarudzo asi vamwe vachiti sarudzo dzakabirirwa neZanu-PF nekudaro kuda kuti VaTsvangirai havasi kutungamira zvakanaka kureva nhema.