Accessibility links

Breaking News

China Yokweretesa Zimbabwe Mari yeKuvandudza Magwenya paKariba Hydro Power Station


Zhu Hongjie, Vice President, Eximbank of China
Zhu Hongjie, Vice President, Eximbank of China
Hurumende yeZimbabwe yasainirana neMuvhuro chibvumirano nebhanga rekuChina re Export – Import Bank, Eximbank, chekuti bhanga iri ripe Zimbabwe chikwereti chemazana matatu nemakumi mashanu neshanu emamiriyoni emadhora.

Mari iyi ichashandiswa mukuvandudza gwenya remagetsi repa Kariba South Hydro Power Station.

Gurukota nezvemari, VaPatrick Chinamasa, ndivo vange vakamirira hurumende yeZimbabwe uye mutevedzeri wemukuru webhanga iri, VaZhu Hongjie, ndivo vasaina vakamirira bhanga ravo.

Vachitaura mushure mekusaina chibvumirano ichi, VaChinamasa vati bhanga iri richabvisa zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvemari yese inodiwa pachirongwa chekuvandudza Kariba South.

Vatiwo kambani yehurumende inoita zvekugaya magetsi, yeZimbabwe Power Company, ndiyo ichabvisa mari inenge yasara.

VaChinamasa vati Zimbabwe ichatanga kubhadhara chikwereti ichi mukati memakore mashanu uye ichachibhadhara mari iyi mukati memakore makumi maviri.

Vati Zimbabwe yakazvipira kubhadhara zvikwereti zvayo kumabhanga akaita se Eximbank nekuti inoda kuti irambe ichipihwa zvikwereti nebhanga iri.

Vati dunhu rekuchamhembe kweAfrica riri kunetsekana nemagetsi uye hurumende yavo yakaona zvakakosha kutora chikwereti chekuvandudza chigayo chemagetsi senzira yekuderedza dambudziko iri.

Pari zvino Zimbabwe inogaya chidimbu chemagetsi ose anodiwa pazuva izvo zviri kukonzera kuti nzvimbo zhinji dzigare dzisina magetsi munyika.

VaChinamasa vati huwandu hwemagetsi anoshandiswa munyika hungadai hwakakwira chose dai makambani emunyika ange ari kushanda zvakanaka.

VaHongjie vati kambani yekuChina iri kuvandudza Kariba South, ye Sino Hydro, ikambani yakachena pamberi pebhanga ravo uye chishuvo chavo ndechekuti dai yapedza chirongwa ichi nekukasika kuitira kuti vanhu vawane magetsi.

Kariba South inogaya magetsi anoita mazana manomwe nemakumi mashanu emamegawatsi pazuva uye kuvandudzwa kwayo kuchawedzera huwandu hwemagetsi aya nemazana matatu emamegawatsi.

VaChinamasa vati bazi rinoona nezvemamhando dzemoto rinofanirwa kuona kuti chirongwa ichi chaitwa nechimbi chimbi sezvo mari yavepo.

Eximbank iri kutsigirawo zvirongwa zvakawanda munyika zvakaita sekuvandudzwa kwenhandare yendege kuVictoria Falls, kuvandudzwa kwezvigayo zvemvura muHarare pamwe nekuvakwa kwechikoro chemauto cheZimbabwe Defence College muHarare.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG