HARARE —
Sachigaro vekomisheni yeAfrican Union, AU, Amai Nkosazana Dhlamini Zuma, vapinda muZimbabwe neChitatu vachizivisa kuti vaimbove mutungamiri wenyika yeNigeria, VaOlussegun Obasanjo, vakadomwa kuzotungamira chikwata cheAU kuzoongorora sarudzo dzemuZimbabwe.
Amai Dlamini Zuma vatiwo VaObasanjo vachauya kuZimbabwe kana vachinge vabvumirwa kupinda munyika neZimbabwe.
Amai Dhlamini Zuma vange vachipindura mibvunzo panhandare yendege yeHarare Internartional Airport wekuti VaObasanjo vachauya here sezvo pane rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rekuKenya riri kuti VaObasanjo havakodzeri kutungamiri chikwata cheAU chiri kuzoongorora sarudzo muZimbabwe.
Sangano rePan Africa Forum rekuKenya, rionoti VaObasanjo munhu anotsigira mamwe mapato ezvematongerwo enyika muZimbabwe, nokudaro kuve kwavo muZimbabwe kunogona kukonzera mhirizhonga sei iri kuitika kuEgypt.
VaObasanjo vanotarisirwa kusvika munyika nguva ipi zvayo. Vanoziva zviri kutika vanoti hurumende haina hurongwa hwekurambidza VaObasanjo kupinda munyika.
Amai Dhlamini Zuma vanoti vari munyika kuti vazotaura nekomisheni yesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission pamwe neavo vari kukukwikwidza musarudzo.