Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yosangana neVashandi Vayo Kuti Vazeye Mihoro


Eliphas Mukonoweshuro

Hurumende yashevedzera musangano wechimbichimbi nevashandi vayo neChitatu senzira yekuedza kumisa kuramwa mabasa kwevashandi vayo zvichitevera kupera kwemazuva manomwe ayakanga yatarirwa nevashandi kuti igadzirise nyaya dzemihoro.

Svondo rapera, hurumende yakatadza kuwirirana nevashandi vayo panyaya yekuwedzerwa kwemihoro izvo zvakazoita kuti vashandi vape hurumende mazuva manomwe ekugadzirisa zvinhu, ayo akakwana neMuvhuro.

Vashandi vehurumende vanonzi vane kutsutsumwa kukuru mushure mekunge hurumende yatadza kuvawedzera mari dzemihoro idzo vari kuda kuti dzifambirane nePoverty Datum Line.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro, vakasangana nevamiriri vevashandi svondo rapera vakavazivisa kuti hurumende yakanga isina mari iri kudiwa nevashandi vayo, sezvo isiri kuwanawo mari yakawanda.

Sachigaro weApex Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti musangano weChitatu uyu ndiwo uchasunga danho richatorwa nevashandi.

XS
SM
MD
LG