Accessibility links

Breaking News

CFU Inoti Zimbabwe Yakarasikirwa neUS$12B Munyaya dzeKurima


Sangano iri rinoti izvi zvakaita kuti varimi vasina ruzivo vagare mumapurazi pasina chaiitwa, izvo zvakapa kuti nyika irasikirwe nehupfumi hwenyika. sangano iri rinotiwo muongororo yarakaita, mhuri yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yakawanikwa iine mapurazi makumi matatu nemapfumbamwe

Sangano revarimi vechichena re Commercial Farmers Union, kana kuti CFU, rinoti nyika yakarasikirwa nemari inosvika mabhiriyoni gumi nemaviri emadhora zvichitevera kubvutwa kwakaitwa mapurazi evachena pasi pechirongwa chekuendesa ivhu kuvatema icho chakatanga muna 2000.

Sangano iri rinoti izvi zvakaita kuti varimi vasina ruzivo vagare mumapurazi pasina chaiitwa, izvo zvakapa kuti nyika irasikirwe nehupfumi hwenyika. Sangano iri rinotiwo muongororo yarakaita, mhuri yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yakawanikwa iine mapurazi makumi matatu nemapfumbamwe.

Vachitaura mugwaro iri, vari kusiya chigaro chemutungamiri we CFU, Va Deon Theron, vanoti mapurazi akatorwa nemhuri yekwaMugabe anoratidza kuti chirongwa chekuti munhu achawana purazi rimwe chete chaive chekubata vanhu maziso.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, muzvinafundo John Makumbe, vanoti chirongwa chekugovera ivhu kuvanhu chinofanirwa kuongorororwa nemazvo.

Va Makumbe vanoti zvinhu zvinofanira kugadziriswa kuitira kuti paonekwe kuti vane mapurazi akawanda ndivanani nezvimwe zvakadaro kuti zvigadziriswe.

XS
SM
MD
LG