Accessibility links

Breaking News

America Inoshora Mhirizhonga Iri Kuitika


Muzinda weAmerica muZimbabwe unoti hausi kufara nenyaya yemhirizhonga iri kuitika muHarare nedzimwe nzvimbo, uchiti mhirizhonga iyi iri kutyora chibvumirano chehurumende yemubatanidzwa.

Mutauriri wemuzinda uyu, Amai Sharon Hudson Dean, vanoti hurumende yeAmerica iri kutyira zvikuru nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanu munyika.

Amai Hudson Dean vati vanoremekedza vanhu vasiri kudzorera mhirizhonga, uye hurumende yavo inokurudzira mapato ose kuti ashoropodze mhirizhonga uye kuti mapurisa aiite basa rawo nemazvo asina divi raanorerekera.

Muzinda weBritain muZimbabwe wakashorawo neChitatu mhirizhonga iri kuitika uchiti mhirizhonga iyi inotyisidzira vanoda kusima hupfumi munyika.

Zvichitevera mhirizhonga iri kuitika munyika, sangano rakazvimirira reCenter for Community Development in Zimbabwe, rinotiwo riri kukurudzira dare reparamende kuti riferefete mhirizhonga iyi.

Sangano iri rinoti riri kunyora gwaro renyunyuto iro richasvitswa neChishanu kumunyori mukuru weparamende, VaAustin Zvoma, pamwe nemutauriri weparamende, VaLovemore Moyo.

Bato reM-D-C rinoti nhengo dzaro dziri kuoneswa nhamo nevatsigiri veZANU PF uye mapurisa haana zvari kuita mukuchengetedza vatsigiri veM-D-C ava.

Mutungamiri weCenter for Community Development in Zimbabwe, VaPhilip Pasirayi, vanoti havasi kuzodzokera shure muhurongwa hwavo hwekusvitsa nyunyuto dzevanhu kudare reparamende.

Vanorwira kodzero dzevanhu munyika, Peter Muchengeti, vanoti mhirizhonga iri munyika inofanirwa kupera nekuti iri kutyora kodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG