Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvinovhurwa Zvinhu Zvisina Kumira Zvakanaka


Zvikoro zvavhurwa munyika neChipiri kunyange hazvo panga paine kunyunyuta kubva kunhengo dzerimwe remasangano anomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, pamusoro pedanho radzinoti rakatorwa nehurumende rekuti vadzokere kumabasa vasina kuziviswa mari dzavachange vachitambira.

PTUZ iri kukurudzira nhengo dzayo kuti dzisashanda kana dzadzokera kubasa kusvika dzanzwa zvichabuda mumusangano wemari uchaitwa neChina.

Zimbabwe Teachers Association, Zimta, inotiwo nhengo dzayo dzose dzaenda kubasa uye dzanga dzichishanda. Zimta inoti hazvibatsiri kuti varairidzi vatange kuramwa mabasa vasati vaziva zvichabuda mumusangano weChina uyu, uyo uchazeya nyaya dzemihoro.

Mumwe mubereki ataura neStudio7 anoti zvinonetsa kuti vazive kuti vana vadzidza here kana kuti kwete, sezvo ranga riri zuva rekutanga kwetemu. Asi zvinonzi zvimwe zvikoro zvadzinga vamwe vana vasati vabhadharirwa mari dzechikoro.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti varairidzi vari kuda kuti vange vachitambiriswa mari dzinofambirana nePoverty Datum Line, iyo iri pamadhora mazana mashanu nemadhora maviri pamwedzi.

Ukuwo vamwe veavo vakapedza kudzidzira basa rehudzidzisi paMkoba Teachers College muGweru, vanoti vari kutadza kuita basa ravakadzidzira sezvo vakuru vakuru vechikoro chavo, vakabata magwaro avo nekuda kwekuti vane zvikwereti zvavasina kubhadhara chikoro ichi.

Varairidzi vatswa ava vanoti havakwanise kuwana basa sezvo vasina zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvavo.

XS
SM
MD
LG