Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Sarudzo Hadzikwanisi Kuitwa Muna Chikumi 2011


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hazvikwanisike kuti kuitwe sarudzo muna Chikumi gore rinouya sezviri kutaurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya neMuvhuro kumusangano weEuropean Development Days unounza vatungamiri venyika, masangano anopa rubatsiro uye masangano akazvimirira oga.

VaTsvangirai vaitaura nezvehutongi hwakanaka pamusangano uyu, uyo wakatanga neMuvhuro uchipera Chipiri

Svondo rapera, VaMugabe vakadzokorora kuti havachadi zvekuti hurumende yemubatanidzwa ienderere mberi. Asi VaTsvangirai vanoti panodiwa bumbiro remitemo idzva, kumiswa kwemhirizhonga nehwaro hwakanaka hwesarudzo hune gwara rakajeka.

VaTsvangirai vakakumbira nyika dzose dzepasi rino kuti dzione kuti muZimbabwe maitwa sarudzo dzakajeka.

Mutungamiri wehurumende anotiwo ari kushushikana nenyaya yekuti vatungamiri venyiika dzemuAfrica vanenge vakundwa vave kurambira pazvigaro sezviri kuitika kuIvory Coast.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti VaMugabe chete ndivo vanotara zuva resarudzo.

Ukuwo mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti VaMugabe vega havana simba rekutara sarudzo.

XS
SM
MD
LG