Accessibility links

Breaking News

Mamwe Mapazi eHurumende Ononoka Kupa VaTsvangirai Hurongwa hweMashandiro Awo


Pane mapazi mashanu ehurumende kubva mumapazi makumi matatu nematanhatu anonzi haasati aendesa kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, magwaro anoratidza mashandiro aakaita pachidimbu chekutanga chegore.

Izvi zvinofanirwa kuitwa pasi pechirongwa chemashandiro ehurumende, cheGovernment Work Programme, icho chinoongorora mashandiro emapazi ehurumende uye kuzadziswa kwezvinangwa zvehurumende.

Mapazi anonzi haasati asvitsa magwaro awo kuna VaTsvangirai mapazi ari pasi pemakurukota eZanu PF, izvo zviri kuita kuti vamwe vaone seari kuzvidza VaTsvangirai.

Mapazi aya anoti rekunze kwenyika rinotungamirirwa naVaSimbarashe Mumbengegwi, rezvekuburitswa kwemashoko rinotungamirirwa naVaWebster Shamu, rezveminda rinotungamirirwa naVaHerbert Murerwa, rezvekushanyirwa kwenyika rinotungamirirwa naVaWalter Muzembi, pamwe nebazi rezvemukati menyika rinotungamirirwa naVaKembo Mohadi pamwe naMai Theresa Makone veMDC-T.

Asi gurukota muhofisi yemutungamiri wehurumende, VaJameson Timba, vatonhodza nyaya iyi vachiti kunonoka kwemapazi aya kubatikana nezvimwe zvinhu, kwete nekuti haasi kuda kushanda naVaTsvangirai.

XS
SM
MD
LG