Cyclone Idai
Nhengo Dzesangano reBroad Alliance Against Sanctions Dzoratidzira
Mutauriri weBroad Alliance Against Sanctions, Amai Sally Ngoni vati havasi kufara nezvirango vanoti vanoona sekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kugadzirisa zvakaita kuti Zimbabwe itemerwe zvirango zvehupfumi nekudaro hurumende yeAmerica inofanirwa kuvapa mukana. Nyaya ina Rutendo Mawere
America Inopa Mari, Chikafu kuVanhu Vakavhiringwa neDutumupengo reCyclone Idai kuManicaland
Muzinda weAmerica muZimbabwe wabvisa mari inoita mamirioni maviri nemazana mashanu ezviuru zvemadhora kuti ishandiswe mukubatsira vanhu vanoita zviuru zana nemakumi matatu nezvitatu vakavhiringwa nedutumupengo re Cyclone Idai kumatunhu eChipinge neChimanimani.
Zvimwe zvabatsirwa nazvo zvinosanganisira zviuru zviviri zvematani emapfunde, mafuta ekubikisa nezvimwe zvekudya zvinovaka muviri.
Mumiririri we America muZimbabwe, VaBrian Nichols, vati America inomira nevanhu veZimbabwe panguva yakaoma iyi.
Mari nezvekudya izvi zvatambidzwa kusangano rinobatsira vanhu nezvekudya, reWorld Food Program.
Zvichakadaro, rimwe remasangano arikubatsira mumatunhu akawirwa nenjodzi, reAngels Foundation, rinoti basa rekubatsira vanhu riri kuenderera mberi kunyangwe hazvo pane zvizhinji zvinodiwa.
Mukuru wesangano iri, VaEdmore Munyoro, vaudza Studio 7 kuti vanhu varambe vachiedza kubatsira uye tisakanganwa kuti vanhu vazhinji vanoda rubatsiro rwekutanga patsva sezvo zvese zvavakange vainazvo vasisina.
- Jonga Kandemiiri
Basa reKuchenesa Nzvimbo Dzakakanganiswa neCyclone Idai kuManicaland Rotanga Kuitwa
Kambani yeEconet yakabatana nevagari vakatanga hurongwa hwekubatsira kuchenesa nzvimbo dzakawirwa nedambudziko redutumupengo nemafashamu eCyclone Idai mumatunhu eChimanimani neChipinge kuManicaland.
Mukuru wevashandi mukambani yeEconet Group, VaLovemore Nyatsine, vanoti vakakwanisa kuunganidza vagari vanosvika mazana matatu vakazvipira kubatsira mukuchenesa dzimba dzakakanganiswa nemvura, kugadzira migwagwa kuitira kuti chikafu chikwanise kusvika kunzvimbo dziri kure, pamwe nekuita mabasa akasiyanasiyana.
VaNyatsine vanoti kambani yavo yakapa vari kubatsira ava mbatya dzekuzvidzivirira vachiita basa ravo, pamwe nezvikwanisiro zvinosanganisira mabhara, mapiki nemafoshoro.
VaNyatsine vanoti vakakwanisa kuumba zvikwata zvine vanhu makumi masere zviri kushanda kwaMutsvangwa, kuKopa, nekuNgangu pari zvino.
Vanotiwo vachatora nguva vachishanda vari mumatunhu akakanganiswa aya sezvo vachada kuona kuti zvikoro zvakakanganiswa zvinodarika makumi mashanu zvakaparadzwa mumatunhu aya zvakagadziriswa vana vasati vadzokera kuchikoro.
"Basa riri kuno kuChimanimani neChipinge ibasa rakakura. Vanhu vachada pekugara, vana vanoda kuti vadzokere kuchikoro, nekudaro tiri kushanda nemapazi akasiyanasiyana kuti tikwanise kuti vana vakwanise kudzokera kuzvikoro, nekuti zvikoro zvinosvika kuma 53 zviri munzvimbo iyi zvakakanganisika," vanodaro VaNyatsine.
Kambani yeEconet Group iri kubatsirawo mukutakurwa kwechukafu nezvikopokopo, kutsvagwa kwevakatsakatika, pamwe nekuwaniswa kwemvura yekunwa yakachena pamwe nemishonga kuvanhu vakawirwa netsaona yeCyclone Idai kuChimanimani neChipinge.
Kanzura weWard 23 kwaMutsvangwa, kuChimanimani, VaJoel Dhumakwezu, vanoti vari kufadzwa zvikuru nerubatsiro rwavari kuwana kubva kukambani yeEconet Group.
VaDhumakwezu vanoti mushure mekubatsirwa nezvikwanisiro, basa ravo pari zvino rave rekuvhura migwagwa yakavharwa, pamwe nekuchenesa dzimba dzakasiya dzazadzwa madhaka netsvina nemvura yakanaya iyi.
Hurumende neUnited Nations Vobatsira Nherera dzeDutumupengo Idai
Gurukota rinoona nezvekugarisana zvakanaka kwevanhu Doctor Sekai Nzenza vanoti hurumende iri kubatsira nekudzikamisa pfungwa vana vanodarika zviuru zvitatu nemazana masere kuChimanimani chete vakawirwa nedambudziko redutumupengo kana kuti tropical cyclone Idai.
Vanoti hurongwa hwekuona kuti vana vangani vanoda rubatsiro huchiri kuenderera mberi.
Asi bazi reUnited Nations rinoona nezvevana reUNICERF rinoti muZimbabwe, Malawi neMozambique nyika nhatU dzakawirwa nedambudziko redutumupengo, vana miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu, 1,5 million vakanganisirwa hupenyu hwavo.
MuZimbabwe UNICERF inoti vana vakakanganisirwa hupenyu vanodarika churu zana. UNICERF iri kutsvaga mari inodarika zana remamiriyoni nemakumi maviri US$122 million kubatsira vana ava.
Mari iyi iri kubatsira vana vakasara vari nherera, vasina chekudya nezvimwe.
Zvichakadaro, Hurumende yakaendesawo mota dzinokwanisa kusimudza matombo kuti dzitsvage vanhu gumi nevatanhatu kugangu uye vapfumbamwe kurusitu.
Nzvimbo dziri kusimudzwa matombo idzi ndidzo dzakawanikwa nembwa dzinoshandiswa mukutsvaga mitumbi dzakabva kuSouth Africa. Vanhu mazana matatu vachiri kutsvagwa sezvo vasiri kuwanikwa kubva zvakarohwa Chipinge neChimanimani nedutumupengo.
Dutu Mupengo reCyclone Idai Rotora Hupenyu Hwevanhu Vazhinji kuChimanimani
Mitumbi yevanhu gumi nevatanhatu inofungidzirwa kuti yawanikwa kuChimanimani nembwa dzinofunidza pane mitumbi dzakabva kuSouth Africa. Vanhu vanodarika mazana matatu havasi kuwanikwa kubva zvakarohwa nzvimbo iyi nedutumupengo Idai. Nyaya ina Columbus Mavhunga weVOA.
- Thomas Chiripasi
Vagari Veku Chimanimani Voshushikana Nekuputsika Kwakaita Dzimba Dzavo
Vagari veku veku Chimanimani voshushikana nekuputsika kwakaita dzimba dzavo. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
- Thomas Chiripasi
Zvikopokopo Zvobatsira Kuunza Mishonga kuChimanimani
Chikopokopo chichiunza mushonga kunzvimbo yeChimanimani uko kwakatarisana nematambudziko edutu mupengo reCyclone Idai. Vhidhiyo Thomas Chiripasi.
- Thomas Chiripasi
KuMozambique Kunonzi Kune Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakawirwawo neDambudziko reDutumupengo reCyclone Idai
KuMozambique kunonzi kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawirwawo nedambudziko redutumupengo reCyclone Idai. Mune dzimwe nzvimbo dzisiri kufambika Mozambique irikushandisa ddege kutakura zvinhu zvekunopa vakawirwa nedambudziko remafashamu munyika iyi. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Facebook Forum