Accessibility links

Breaking News

Hurumende neUnited Nations Vobatsira Nherera dzeDutumupengo Idai


.
.

Gurukota rinoona nezvekugarisana zvakanaka kwevanhu Doctor Sekai Nzenza vanoti hurumende iri kubatsira nekudzikamisa pfungwa vana vanodarika zviuru zvitatu nemazana masere kuChimanimani chete vakawirwa nedambudziko redutumupengo kana kuti tropical cyclone Idai.

Vanoti hurongwa hwekuona kuti vana vangani vanoda rubatsiro huchiri kuenderera mberi.

Asi bazi reUnited Nations rinoona nezvevana reUNICERF rinoti muZimbabwe, Malawi neMozambique nyika nhatU dzakawirwa nedambudziko redutumupengo, vana miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu, 1,5 million vakanganisirwa hupenyu hwavo.

MuZimbabwe UNICERF inoti vana vakakanganisirwa hupenyu vanodarika churu zana. UNICERF iri kutsvaga mari inodarika zana remamiriyoni nemakumi maviri US$122 million kubatsira vana ava.

Mari iyi iri kubatsira vana vakasara vari nherera, vasina chekudya nezvimwe.

Zvichakadaro, Hurumende yakaendesawo mota dzinokwanisa kusimudza matombo kuti dzitsvage vanhu gumi nevatanhatu kugangu uye vapfumbamwe kurusitu.

Nzvimbo dziri kusimudzwa matombo idzi ndidzo dzakawanikwa nembwa dzinoshandiswa mukutsvaga mitumbi dzakabva kuSouth Africa. Vanhu mazana matatu vachiri kutsvagwa sezvo vasiri kuwanikwa kubva zvakarohwa Chipinge neChimanimani nedutumupengo.

Hurukuro naDoctor Sekai Nzenza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG