HARARE —
Zimbabwe Media Commission, kana kuti ZMC, yadoma nhengo gumi nenhatu dzekanzuru ichange ichiona kuti makambani anoburitsa nhau pamwe nevatori venhau vachange vachitevedza mitemo yebasa ravo here kana kuti kwete sezvinodiwa pasi pemutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act.
Vadomwa kuva sachigaro wekanzuru iyi, ndaVaHenry Muradzikwa, avo vanove nhengo yeZMC. Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzinosanganisira mukuru weZimbabwe Broadcasting Corporation, VaHappison Muchechetere, mukuru weZimbabwe Newspapers Group, VaJustin Mutasa, mupepeti webepanhau re The Worker, VaBen Madzimure, Veronica Dingi ve Roman Catholic pamwe naMedeline Dube, uyo anoshanda neNational AIDS Council of Zimbabwe, nevamwe.
Kanzuru iyi ine varume gumi nemumwe chete nevakadzi vaviri chete.
Mukuru weMedia Monitoring Project of Zimbabwe, VaAndy Moyse, vashora zvaitwa neZMC vachiti mahumbwe chaiwo akanangana nekuvhiringidza vatori venhau munyika.
Asi ZMC inoti yakanga yakoka vanhu ava asi vakaramba kubatana navo nekuti vari kushanda nesangano re Voluntary Media Council of Zimbabwe kana kuti VMCZ.
Kanzuru yeZMC inogadzwa apo sangano reVMCZ riri kuedza kuita basa seriri kuda kuzoitwa nekanzuru yeZMC