Nyaya yekushaya mari yedzidzo iyi ndiyo yakapa kuti hurumende muna 2001 imire kunyorwa kwebvunzo dzeZimbabwe Junior Certificate. Gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, vanogara vachigunun'una nekushomeka kwemari yedzidzo inopihwa bazi ravo.
Nyanzvi munyaya dzezvedzidzo, uye vari pachikoro cheHaven of Peace International School kuTanzania, VaVioctor Chigumbo, vanoti hapana chakaipa kuti vabereki vabhadhare mari kuZimsec kana zvichizoita kuti dzidzo isimukire.
Asi mumiriri weMasvingo Central muparamende, uye vari mukomiti yezvedzidzo, VaJeffreyson Chitando, vanoti vabereki havafanire kubhadhara mari iyi.