Bato reMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai neChitatu rakaita musangano wakakosha weStanding Committee kuti rizeye zviri kunetsa mubato uye munyika.
Bato iri rataurawo nenyaya dzemaitirwo achaitwa sarudzo dzekongiresi yebato iri, uye rinoti zvigaro zvose zvichakwikwidzwa.
Bato iri rinoti richatsvaga sangano rakazvimirira kuitira kuti rifambise sarudzo dzacho. MDC-T yakabuda pachena kuti ichaita kongiresi yechimbi chimbi muna Gumiguru.
Izvi zvakaitirwa kuti zvigadzirise makakatanwa ari mubato iri zvichitevera kuchekana hukama kwakaitika pakati pevari kutsigira VaTsvangirai nevari kutsigira vakadzingwa mubato semunyori mukuru webato, VaTendai Biti.
Zvarongwa ne Standing Committee zvichaturwa ku National Executive, iyo inozosvitsawo nyaya iyi kudare repamusoro soro rebato re National Council.
Kana izvi zvikatambirwa ne National Council, ndiyo nzira inenge yoshandiswa pakuronga zvose nekuitwa kwekongiresi.
Mutauriri webato, VaDouglas Mwonzora, vanoti vari kunetsakawo nekumira kwakaita zvinhu munyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDouglas Mwonzora