Nyanzvi Dzopesana paDanho reZanu-PF Rekuda Kuchinja Gwara reHupfumi

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Politics

Munguva yekutsvaga rutsigiro musarudzo gore rapera, rwiyo rweZanu-PF rwaiva rwekuti chimurenga chekuendesa hupfumi kuvatema hachisi kuzodzokera kumashure.

Izvi zvakakonzera kugeda geda kwemeno mumakambani akawanda ane varidzi vasiri zvizvarwa zveZimbabwe.

Asi ikozvino, Zanu-PF yave kuimba rwiyo rutsva panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema. Ko chii chiri kupa kuti bato iri ritore danho iri?

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakashamisa vanhu vakawanda apo vakataura pazuva rekuwana kuzvitonga kuzere kuti Zimbabwe hayaizongotora zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana pasina kutaurirana.

Mashokoa aVaMugabe akatsinhirwa negurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa. Izvi zvasiya vanhu vapera mate mukanwa kuyi chii chokonzera kuti Zanu-PF iite sekunge yave kuchinja maitiro.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa pavenda University muSouth Africa VaCharles Chari vanoti Zanu-PF hainganzi yanyaya kuchinja asi kuti iri kungogadzirisa zvinhu ichionawo mamiriro ekunze.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusoro soro paHuddersfield University VaNkululeko Sibanda vanoti Zanu-PF yave kukwanisa kuita madiro ajojina nekuti veMDC parizvino vakabatana pahuro nekudaro hapana anokwanisa kubvunza Zanu-PF nezve kuchinja chinja kwegwara rayo zvichienderana nemamiriro ekunze.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaBrilliant Mhlanga vanodzidzisa paHartfordshire University kuBritain vanoti Zanu-PF yazonyatsotarisana nechokwadi chekuti zvimwe zvainongotaura pamisangano handizvo zvinozoitika muhupenyu.

VaMhlanga vanotiwo Zanu-PF yange ichiparidza vhangeri rekuti iri kuringa kumabuda zuva asi yave kuona kuti nyika dzekumabuda zuva dzakaita seChina neIndia dziri kudyidzana nenyika dzekumawirira.

Vanhu vanogona kupesana pakuti chii chapa kuti Zanu-PF ide kuvandudza zvinhu asi zviri pachena kuti mamiriro aita zvinhu munyika ave kupa kuti pave nemafungiro matsva panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema.

Kunyangwe pave kuparidzwa vhangeri idzva rekudyidzana nevekunze, vamwe vanoti zvichatora nguva kukwezva vekunze ava. Asi VaChari vanoti vari kuona sekunge pave nemutsauko pamaonerwo eZimbabwe nevekunze.

Asi VaChari vanoti nyika dzekunze hadzinawo chimwe chekuita kunze kwekudyidzana nehurumende yeZanu-PF nekuti veMDC nevamwe vanopikisa vari mubishi kurwisana zvopa kuti zvinetse kuona vachikwanisa kutora masimba kubva kuZanu-PF mumakore anotevera.

Mashoko aVaChari anotsinhirwawo naVaSibanda avo vanoti kusasimba kwemapato anopikisa kwasiya nyika dzekumawirira dziri pamhene.

VaMhlanga vanoti vari kuona nyika dzekumawirira dzichitungamirwa neBritain neAmerica dzichitanga kudyidzana nehurumende yaVaMugabe.
VaChari vanotiwo Zanu-PF iri kuzviona kuti mhuri yeZimbabwe iri kuda kuti zvinhu zvishanduke nekuti nyika yananga kumawere.

Asi vasibanda vanoti shiri ine muririro wayo hairegi nekudaro vanhu ngavarege kukurumidza kurova bembera vachiti Zanu-PF yachinja.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotiwo hazvibatsire kuti Zanu-PF iti yachinja pamutemo wekuendesa hupfumi kuvatema kana isina kuchinja mutemo wacho.

Dzinotiwo nyaya yekusungwa sungwa kwevanhu ichanetsa kuti paite sungawirirano pakati peZanu-PF nehurumende dzekunze.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu