Sangano reDiaspora Care Forum Rinoparurwa muSouth Africa

Zims in SAF

Zvizvarwa zviviri zveZimbabwe zviri muSouth Africa, zvabatana nemakambani matatu emunyika iyi mukuumba sangano richabatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika munyaya dzekufirwa pamwe nekuronga zvirongwa zvinounza mari mumhuri.

Sangano reDiaspora Care Forum, Dicafo, raparurwa zviri pamutemo muJohannesburg kuSouth Africa nemunyarikani waro, VaAustin Moyo, pamwe nemukuru waro mutsva, VaSocks Chikowero.

Vachitaura pakuparurwa kwesangano iri, VaMoyo vati chinangwa chikuru chesangano ravo ndechekukurudzira vari kunze kwenyika kuti vakwanise kuita mabasa anovapa mari kuitira kuti vasazoshupike mumatambudziko akaita serufu nemamwe.

VaMoyo vatiwo masangano achange achishanda neDicafo achabatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukutanga mishandira pamwe, mabhizinesi, pamwe nekuchengeta mari zvine hungwaru, senzira yekusimudzira hupfumi hwenyika, kana vachinge vazodzokera kumusha.

VaChikowero vatiwo Dicafo ichashanda nevanhu vari munyika dziri muSADC, zvikuru South Africa, Botswana, Swaziland, Namibia, Lesotho neMozambique.

Imwe nhengo yeDicafo, Amai Venitia Govendor, vatiwo sangano ravo richapawo ruzivo kunhengo dzaro munyaya dzakasiyana siyana, dzinosanganisira zvinhu zvinounza mari mumhuri kuti dzigare zvakanaka.

Masangano emuSouth Africa achange achishanda neDicafo anosanganisra GuardRisk, Prosperity Funeral Advisors, neRetail Funerals.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Moreblessing Munjoma