Murairidzi weShabanie Anoti Arikufara neMukombe weBancABC Sup8r Cup
Marvellous Mhlanga-Nyahuye
WASHINGTON —
Murairidzi wechikwata cheShabanie Mine VaLuke "Vahombe" Masomere vanoti vari kufadzwa nekutora mukombe we BancABC Sup8r svondo rapfura.
VaMasomere vanoti vanotenda Mwari nekuvapa mukana wekuti chikwata chavo chitore mukombe sezvo vakapedzesera kuita izvi mugore ra 2007.
Vanoti vakamboenda kunoshanda kuBotswana asi chinangwa chavo ndechekuti vavandudze mutambo wenhabvu munyika. VaMasomere vanoti vagari ve muZvishavane vari kufara nekutora kwavakaita mukombe uyu.
Murairidzi uyu anoti parizvino chikwata cheShabanie chiri kutarisira kuti chigadzirise chinzvimbo chavo pa gungano re Premier Soccer League Log. Shabanie iri pachinzvimbo chechichipfumbamwe.
VaMasomere vaudza Studio 7 kuti shuwiro yavo ndeyekuti varambe vachitamba zvakanaka kuitira kuti vazo kwanisa kutambazve kumakwikwi e BANC ABC Super 8 gore rinouya ayo anotambwa nezvikwata sere zviri pamusoro pe log.