Pazvikoro izvi, zvinosvika makumi mana nezviviri zvatovharwa zvachose. Zvikoro zvizhiji zvakatarisana nedambudziko iri zviri mu Harare, Chitungwiza, Bulawayo,
Midlands, Matebeleland South, Matabeleland North neManicaland.
Zvimwe zvikoro zviri muHarare zviri kunzi zviri kushanda zvisiri pamutemo nehurumende zvinosanganisira First Link College, Peter Birch School of Art, Zimbabwe Early Childhood Development, Zimtech Training College, Magamba Hall College, Herentals Budiriro, neBlue Magic School of Braiding and Weaving.
Zvikoro zvinonzi zvakatorerwa marezinesi nehurumende zvinosanganisira Churston College, Genesis College muHarare, ZDECO kuKwekwe, Kamativi Vocational Training Centre, Bulilima Information Technology Centre, Gweru Computer Learning Centre and Mutare Professional College.
Munyori mubazi redzidzo yepamusoro, Dr Washington Mbizvo, vakaudza bepanhau re Herald kuti vari kushanda nemapurisa kuitira kuti zvikoro zviri kuita basa zvisiri pamutemo zvisabvumidzwe kuita basa iri.
Mumwe murairidzi wemuHarare, Va Abbiot Moyo, vanoti zvinoshungurudza kuti vadzidzi vari kurasikirwa nemari panomiswa dzidzo kana zvikoro izvi zvavharwa.