Chirongwa chekupa Zvizvarwa ZveZimbabwe Zviri MuSouth Africa Magwaro eZSP Chopera

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutungamiri weSouth Africa VaJacob Zuma

Sangano reZimbabwe Exiles Forum riri kukurudzira zvizvara zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvakanyorera magwaro eZimbabwe Special Permit (ZSP) zvisati zvawana magwaro azvo kuti zviende kumahofisi e Visa & Permit Facilitation Centre (VFS) emunharaunda dzazvo nechimbichimbi.

Chirongwa chemagwaro ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibvumidzwe kugara pamwe nekushanda zviri pamutemo munyika iyi chiri kupera nemusi weChitatu, izvo zvoita kuti vazhinji vasati vawana magwaro avo neavo vakanyimwa vasaziva kuti remangwana ravo rakamiria seyi munyika iyi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZimbabwe
Exiles Forum, Muzvare Diana Zimbudzana vanoti sangano ravo rakanyorera kugurukota rezvemukati menyika muSouth Africa muna Chivabvu richi bvunza kuti vasina kuwana magwaro nevamwe vasati vapihwa mapepa aya vachaita seyi, asi havasati vanzwa kubva kugurokota iri.

Muzvare Zimbudzana vanoti pari zvino avo vasati vawana mapepa avo vanotofanirwa kubata jongwe muromo kuenda kumahofisi eVFS kuitira kuti vakwanise kubatsirwa mahofisi aya asati avharwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaMuzvare Diana Zimbudzana