Mapurisa Osecha Mahofisi eZESN

  • Thomas Chiripasi

Zimbabwe Police

Mapurisa neChipiri akapinda zvine chisimba pamahofisi esangano rakazvimirira roga richiona nezvesarudzo reZimbabwe Election Support Network (ZESN) muHarare achiti pane vanhu nemagwaro avainge vachitsvaga.

Mapurisa aya ainge ari masere uye akapakatira zvombo achitungamirwa naDetective Assistant Inspector J.P Mudyirwa. Zvinonzi mapurisa aya akapwanya mudhuri wakakomberedza mahofisi eZESN kuBelgravia vachibva vatanga kuasecha.

Zvionzi mapurisa aya ainge aine tsamba yekuvabvumidza kuita izvi kana kuti search warrant yakanyorwa na Superintendent Jeremiah Murenje.

Mapurisa anoti pane humbowo hwavainawo hunoratidzawo kuti ZESN ine magwaro anoratidza kuti anotyora mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.

Gweta riri kumirira ZESN panyaya iyi, VaHarrison Nkomo, vatenda kuti mapurisa akapinda zvechisimba pamahofisi esangano iri.

VaNkomo vati mapurisa anoti ainge achitsvaga vanhu vavanga vachiti varikushandira ZESN vasina mvumo yekunge vari munyika uye vatiwo vange vachitsvagawo mapepa ane mashoko anogona kukonzera kusagadzikana munyika.

VaNkomo vati hapana hapo akasungwa. Asi mapurisa ati acharinda mahofisi aya siku nesikati kusvika apinda muhofisi yaAmai Rindai Chipfunde-Vava, mukuru weZESN.

Zvinonzi mapurisa asechawo zvakare mahofisi esangano reZESN kuMasvingo ndokutorawo zvakare mapepa akakosha.

Kusechwa kwemahofisi eZESN kunouya apo masangano anoshanda akazvimirira achichema nerokuti ari kushungurudzwa nehurumende apo nyika yatarisana nesarudzo dzakatarisirwa kuitwa munyika gore rino. Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi