Sangano reCombined Harare Residents Association Rokurudzira ZESA Kuti Ivawanise Magetsi

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Rimwe remasangano anomirira vagari muHarare, reCombined Harare Residents Association, CHRA, rinoti richaita musangano ne kambani ye Zimbabwe Electricity Supply Authority (ZESA) kuti vanzwe zvikonzero zviri kuita kuti magetsi arambe achidzimwa munyika zvisina tsarukano.

Sachigaro ve sangano reCHRA, VaSimbarashe Moyo, vanoti zvakawanda zviri kushungurudza vagari vemumadhoroba akawanda asi nyaya yemagetsi ndiyo irikunyanyovanetsa.

ZESA yakaburitsa mashoko ekuti kudzimwa kwemagetsi kuchawedzerwa kutanga kweSvondo rino nekuti pane magwenya asiri kushanda zvakanaka ari kuita kuti magetsi ashomeke.

Studio Seven yatadza kunzwa kuzesa zviri kunyanya kunetsa sezvo nhare dzavo dzanga dzichinetsa kubata.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaVa Simbarashe Moyo