ZCTU Inoratidzira muBulawayo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe Congress of Trade Unions ZCTU

Sangano re Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, raratidzira neChishanu muguta re Bulawayo zvichitevera kupihwa kwaraita mvumo yekuita izvi nedare repamusoro.

Mukuru wesangano iri mudunhu reMatabeleland, Va Reason Ngwenya, vanoti mapurisa amboda kuvatyisidzira kuti vasaenderere mberi nechirongwa chavo asi vazosiyana navo pavaratidzwa magwaro abva kudare repamusoro.

Sangano iri richaita zvakare chirongwa chakadai muHarare neMugovera richikurudzira kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu.

VaNgwenya vanoti gore rino vachayedza kutaurirana nehurumende kuti zvinhu zvishanduke muguta re Bulawayo zvikuru munyaya dzevashandi.

VaNgwenya vanoti vashandi vakawanda vaudza sangano ravo kuti havasi kubhadharwa kwenguva ndefu uye makambani mazhinji akatovhara mudunhu iri izvo zviri kushungurudza veruzhinji.

VaNgwenya vanoti nyaya yekushaikwa kwemvura iri kurwadza zvakare vashandi vazhinji vemuguta iri.

ZCTU inoti ichaita chirongwa chekuchenesa nzvimbo inokwirirwa makombi ye Copacabana seimwe yenzira yekuchenesa guta reHarare neMugovera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Reason Ngwenya