Vaimbova nhengo yeZanu PF vakadzingwa mubato iri Zimbabwe yawana kuzvitonga, Amai Margaret Dongo, vanoti kunetsana kuri kuitika muZanu PF hakushamise sezvo bato iri riine nhoroondo yekudzinga anenge apikisa vakuru mubato.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naAmai Margaret Dongo
Vachitaura pamusoro pezviri kuitika muZanu PF zvichitevera hurongwa huri kuitwa naVaDidymus Mutasa nevamwe vavo, Amai Dongo, avo vakambova mutungamiri weZimbabwe Union of Democrats, vanoti Zanu PF yakaregererwa kwenguva yakareba isingapikiswe izvo zvava kupa kuti vanhu vakaita saVaMutasa nevamwe vavo vadzingwe.
Amai Dongo vanoti VaMutasa nevamwe vavo ndivo vakajaidza vakuru mubato ravo kuti havapikiswe nokudaro zvava kuvawana ivo rwendo rwuno.
Mashoko aya anobuda panguva iyo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kupinda munyika chero nguva.
Vane ruzivo nezviri kuitika muZanu PF vanoti VaMugabe vari kutarisirwa kusvikovandudza zvekare dare ravo remakurukota uye kudzinga vamwe vanhu mubato iri. VaMugabe vari pazororo ravo repagore vari kunyika dzekumabvazuva.
Vachitaura nevatsigiri vavo kuMidlands, vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vanhu vasiri kutevera gwara rebato vachadzingwa.
Asi vari kupikisa VaMnangangwa, uye vachinzi vanotsigira vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vaudza Studio7 kuti magweta avo ari kuzeya navo nyaya yekuenda kumatare vachiti havasi kutambira kongiresi yebato yakaitwa muna Zvita.
Vamwe vatsigiri veZanu-PF vanoti vamwe vari kutarisirwa kudzingwa kana kuendeswa kune mamwe mapazi ari pasi vanosanganisira gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramai, uye gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, vatevedzeri vemakurukota uye vanyori mumapazi ehurumende.
Vamwe vechidiki mubato iri vari kutiwo vanoda kutora mapurazi nezvimwe zvinhu zvine vanhu vari kuramba vachishora bato iri.
Vanoona nezvemabasa ematongerwo enyika muZanu PF, VaSaviour Kasukuwere, vanonzi vakatiwo VaMutasa vakada zvekutyisidzira nhengo dzebato vachazorora vave mapisi mapisi.
Vachitaura neStudio7 svondo rino, vakadzingwa mubato iri, VaRugare Gumbo, vakati VaMnangagwa munhu asingadi zvehutongo hwejekerere.