Bhanga repasi rese, reWorld Bank, rinoti rinofara nechirongwa chehurumende yeZimbabwe chekunatsurudza nzira dzekutanga nadzo mabhizimisi munyika kana kuti Ease of Doing Business uye richaramba richitsigira chirongwa ichi.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Irwin Chifera
Mumiriri weWorld Bank muZimbabwe, Amai Camille Nuamah, vataura mashoko aya pamusangano wekuzeya zvakabuda mumazuva zana Zimbabwe yatanga chirongwa cheEase of Doing Business muHarare uyo wange wakarongwa nemahofisi emutungamiriri wenyika.
Amai Nuamah vati zvinofadzawo chose kuti hurumende iri kushanda nevemakambani akazvimirira mugadzirisa mashandiro emabhizimisi munyika uyewo vati musangano wanhasi hurumende yabuda pachena kuti iri kuda kusandura mitemo nekugadzirisa zvimwe zvinoomeseera vanenge vachida kutanga mabhizimisi munyika.
Vatiwo chimwe chavafadza ndechekuti musangano uyu, uyo wapindwa nevakuru vakuru vehurumende, makambani akazvimirira pamwe nemasangano ari pasi peUnited Nations, ndechekuti vanhu vabvumirana kuti mabhizimisi madiki anokosha pakusimudzira hupfumi hwenyika.
Mumwe wevatevedzeri vemunyori mukuru mumahosi emutungamiriri wenyika nedare remakurukota, VaChristian Katsande, vati zvinofadza kuti vakakwanisa kuita zvinhu zvizhinji zvavange vakaronga kuita mukati memazuva zana apfuura.
Zvimwe zvabuda mumusangano uyu ndezvekuti pane mitemo makumi maviri nemumwe inosanganisira yemakambani, Companies Acts, inofanira kusandurwa kuti irerutsire vanoda kutanga mabhisimisi.
Pari zvino zvinotora mwedzi mitatu kuti kambani ikwanise kutanga bhizimisi munyika uye pane hurongwa hwekuti kambani ikwanise kutanga bhizimisi mukati memwedzi mumwe chete.
Zimbabwe yakakwira nezvinhano gumi nezvitatu kusvika number 155 kubva panyika 189 pachikero cheWorld Bank che Ease of Doing Business kubvira payakatanga hurongwa kwesandura mitemo yekutanga nekukwezva mabhizimisi munyika.