Vachitaurawo pamusangano uyu, Amai Netsai Mushonga veWomen’s Coalition of Zimbabwe, vakakurudzirawo vanhukadzi kuti vatambire gwaro iri sezvo richiremekedza kodzero dzavo kudarika riripo pari zvino.
Mukuru we Women of Zimbabwe Arise, Amai Jenni Williams, vakatiwo vanhu havafanirwe kurasikirwa nemukana uyu sezvavakaita muna 2000.
Amai Williams vakatiwo vachapa madzimai mukana wekunyatsonzwisisa kuti zvakakosha sei kuti vabvume kana kuramba kutambira bumbiro iri pareferendamu. Vakati havadi kuita zvakaitika apo vanhu vaikurudzirwa kusatsigira gwaro rebumbiro mureferendamu yemu 2000 pasina zvavaiziva zvaiva mugwaro iri.
Musangano uyu wakarongwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe senzira yekurangira kurwira kodzero kwakaitwa nevatema vekuAmerica vakaita sa Amai Rosa Parks avo vakaramba kudzvanyirirwa kwevatema vaisungirwa kusimukira vachena mumabhazi nemuzvitima.
Amai Rosa Parks nevamwe vatema vakaita samuchakabvu Martin Luther King Junior vakashandisa nzira dzisina mhirizhonga mukati mukurwira kodzero dzevanhu vose.