Vechidiki vemuZimbabwe Voshanyira America Pasi Pechirongwa Che 2014 Meridian Professional Fellows.
Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Meridian Fellows
WASHINGTON —
Zvizvarwa zveZimbabwe ne Zambia gumi nezviviri zviri muAmerica umo zvirikuita zvidzidzo pasi pe chirongwa che 2014 Meridia Professional Fellows Progragramme icho chiri pasi pedingidira re kukurudzira zvemabhizinesi "economic empowerment”.
Vana muzvinabhizimisi ava vange vari muAmerica kwe mavhiki mashanu uye vakakwanisa kushanyira nzvimbo dzinoti Charlotte, North Carolina ne Denver Colorado muAmerica uye zvikawana mukana wekushanyira zvikoro zvedzidzo yepamusoro munyaya yemabhizimisi.
Chirongwa che Meridian Professional Fellows Programs chinobatsira vana muzvina bhizinesi vechidiki vemuAfrica kuti vawane hunyanzvi mumabhizinesi kuitira kuti vazodzokera kunyika dzavo vachizopakurira vamwe ruzivo urwu.
Vanamuzvina bhizinesi vari pachirongwa ichi vanosanganisira mukuru wekambani ye i The Open Book Project Ltd mu Harare VaTafadza Makura.