WASHINGTON —
Sangano re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti varairidzi vari kumaka bvunzo munyika vanofanirwa kunyorerana zvibvumirano nehurumende kuitira kuti zvisazonetsa mangwana.
Munyori mukuru musangano rePTUZ, Va Raymond Majongwe, vanoti dambudziko rekusabhadharwa kwevarairidzi rinogona kurerutswa kana paine zvibvumirano zvakanyoreranwa pasi.
Pari zvino varairidzi vachangopedza kumaka bvunzo dze Grade 7 uye vari kutarisirwa kumaka zvakare bvunzo dze Form 4 ne Form 6.
Zimbabwe Schools Examinations, ZIMSEC, inonzi inoda mari inosvika mazana matatu ezviuru zvemadhora yekubhadhara varairidzi vari kumaka bvunzo gore rino.
VaMajongwe vanoti vari kuronga kusangana ne ZIMSEC kuitira kuti vanyatsonzwisisa kuti varairidzi vachabhadharwa seyi rwendo rwuno.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa ku ZIMSEC kuti itiudze paimire panyaya iyi.
VaMajongwe vanoti dambudziko riri kusangana nevarairidzi iri harisi itdzva sezvo vari kusangana naro gore rega rega rinonyorwa bvunzo.