America Inotemera Zvirango Vachuchusi ve International Criminal Court

Amai Fatou Bensouda

Gurukota re America rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, vatemera zvirango pamuchuchusi mukuru we International Criminal Court, (ICC), Amai Fatou Bensouda, nevamwe vachuchusi vavo vaviri vachiti havasi kuda kunzwa nezvekutongeswa kwemauto eAmerica akarwa muAfghanistan.

Muna Chikumi gore rino, mutungamiri we America, VaDonald Trump, vakapa mvumo kubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika kuti America itemere International Criminal Court zvirango pamusoro pekuda kutongesa mauto eAmerica mhosva dzaanonzi akapara muAfghanistan.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanoti kuInternational Criminal Court kune vana mazvikokota vemutemo vanoita basa ravo vasingatye, vachiti vachuchusi vatemerwa zvirango ava vakataura kuti havasi kuzodzokera shure panyaya iyi.

Asi Muzvinafundo Mukasa vanoti zvichaomera ICC kuti ibudirire munyaya iyi sezvo America isiri nhengo ye ICC, pamwe chete nenyika dzakaita se Russia, China, Israel ne Syria.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Stan Mukasa