America Yobatsira Vana Vanoshaya muBulawayo Muzvidzidzo zveChirungu

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaBruce Wharton

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vaparura neChipiri chirongwa chekudzidzisa chirungu kuvana vanobva kumhuri dzinoshaya muBulawayo.

Vana vanosvika makumi mana, vakomana makumi maviri, nevasikana makumi maviri, vachange vari muchirongwa che English Access Micro Scholarship Programme chiri pasi pemuzinda we America yakabatana nesangano reHope For Child In Christ.

Chirongwa ichi ndechemakore maviri uye chiri kutsigirwa ne bazi rrinoona nezvekudyina kweAmerica nedzimwe nyikar. Vana ava vachabhadharirwa chikoro nemuzinda we America uye kudzidziswa chirungu nezvimwewo zvirongwa zvekuvasimbaradza dzidzo yavo.

Chipangamazano munyaya dzezvekufambiswa kwemashoko mubazi rezvedyidzana neveruzhinji pamuzinda we America muHarare, Va Sizani Weza, vanoti chirongwa ichi chakakosha sezvo chichapa vava ava mukana wekudzidza vakasununguka sezvo America ichange ichivabhadhara mari dzechikoro.

Chirongwa ichi chakatangwa kuMbare muHarare uye aka ndekekutanga chichiitwa muBulawayo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Sizani Weza