WASHINGTON —
Musangano mukuru wechimakumi maviri we United Nations World Tourism Organisation (UNWTO) General Assembly, wapera neChina zvine mutsindo ku Victoria Falls, Colombia ichisarudzwa kuva nyika ichaitirwa musangano uyu muna 2015.
Colombia yakunda Cambodia iyo yanga ichidawo kuti musangano uyu uitirwe munyika mayo. Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Va Walter Mzembi, vanoti vari kufara nemafambiro akaita musangano uyu.
Gurukota rezvekushanya nekushanyirwa kwenyika va Walter Mzembi vanoti musangano mukuru we 20th session weUnited Nations World Tourism Organisation (UNWTO) General Assembly wange uchiitirwa kuVictoria Falls ne Livingstone wakafamba zvakanaka uye wapera zvakanaka nhasi.
Nhengo yekomiti yaironga nezvemusangano we UNWTO kuVictoria Falls, VaBlessing Munyenyiwa, vanoti musangano uyu wakabatsira mukusimudzira hupfumi hwenyika,
Ukuwo nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute Of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa neZimbabwe kuitira kuti vashanyi vakawanda vatange zvakare kushanyira Zimbabwe sezvavaiita manyakare.