Musangano weUNWTO Wofadza Vazhinji

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Victoria Falls

Musangano mukuru wechimakumi maviri we United Nations World Tourism Organisation General Assembly, uyo uri kuitirwa kuVictoria Falls ne Livingstone, unonzi uri kufamba zvakanaka.

Imwe nhengo yekomiti iri kuona nezvemusangano uyu, uye vari mukuru we kambani ye Love For Africa, Va Blessing Munyenyiwa, vanoti musangano uyu uchabatsira zvikuru mukuvandudza hupfumi hwenyika, zvikuru munzvimbo dzeVictoria Falls.

Va Munyenyiwa vanoti vari kutarisira kuti vachawana mabhizinesi kubva kune vamwe vashanyi vari pamusangano uyu avo vanoda kusima mari dzavo muZimbabwe.

Musangano uyu wakaparurwa neSvondo zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Gurokota rezvekushanya nekushanyirwa kwenyika, Va Walter Mzembi, vanoti musangano uyu uri kufamba zvakanaka kunyange hazvo vasina kuwana mukana wekutaura neStudio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Blessing Munyenyiwa