VaTsvangirai Vokokwa paKugadzwa kweMutungamiri weSouth Korea

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kusimuka munyika neChishanu vakananga kuSouth Korea uko vakokwa pahurongwa hwakakosha zvikuru hwekutora mhiko kwemutungamiri wenyika iyi mutsva, VaPark Geun-Hye.

VaTsvangirai vari kupihwawo ruremekedzo rwekuva muzvinafundo, kana kuti Honarary Doctorate Degree rinova rechipiri kupihwa nenyika iyi.

Muna 2010 VaTsvangirai vakapihwa Honorary Degree of Doctor of Laws nePai Chai University yekuSouth Korea kwakare.

Asi rwendo urwu rwunenge rwuri kukonzera mutauro muhurumende yemubatanidzwa sezvo bepanhau reHerald rakange raburitsa kare neMugovera kuti VaTsvangirai vaizoenda kunyika dzeku Asia kunotsvaga mari yebato ravo sezvo nyika yatarisana nesarudzo.

Nyaya iyi yakanyorwa naNathaniel Manheru, uyo anofungidzirwa kuti nevamwe ndiVaGeorge Charamba, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari mutauriri wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Chipangamazano chaVaTsvangirai, VaAlex Magaisa, vanoti havangataure nezvemashoko eHerald asi kuti South Korea yaratidza kuti inoremekedza VaTsvangirai semutungamiri wehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAlex Magaisa