VaTrump Vanoti Vave Kudzikisa Huwandu HweVapoteri Vanotambirwa muAmerica

VaDonald Trump

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vanoti hurumende yavo yave kudzikisa huwandu hwevapoteri vanopinda munyika mavo gore rega rega.

Kusvika parizvino, America yange ichitambira vapoteri zviuru gumi nezvisere vanobva kunyika dzakasiyasiyana.

Asi VaTrump vanoti America ichange ichitambira vapoteri vanoita zviuru gumi nezvishanu chete.

Hurumende yaVaTrump yakatonyora gwaro kudare reHouse of Representatives richivazivisa kuti ndizvo zvarave kuda kuita.

Muzvinafundo Stan Mukasa vanodzidzisa pa Indiana University, mudunhu re Pennslvania, vanoti huwandu hwevapoteri vanotambirwa muAmerica hunongogona kukwidzwa kana kudzikiswa nedare reCongress renyika iyi.

Vanotiwo nyaya yevapoteri iri mubumbiro remutemo weAmerica, naizvozvo havaoni VaTrump vachibudirira mukudzikisa huwandu hwevapoteri vanotambirwa muAmerica sezvo zvichida kuwirirana kwenhengo dzedare reparamende zvinova zvinoti netsei nekuti vanopikisa vemaDemocrats ndivo vakawanda.

Muzvinafundo Mukasa vanoti kutaura kwa VaTrump ndokwe munhu anoda kufadza vatsigiri vake sezvo riri gore resarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Stan Mukasa